Kupfuya huku kuri kubudirira

03 Oct, 2021 - 08:10 0 Views
Kupfuya huku  kuri kubudirira VaJoel Muzamhindo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BHINDAUKO rekupfuya huku dzenyama nedzemazai rinonzi riri kusimukira zvikuru panguva ino apo nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo kazhinji richiitirwa pamba uye harinyanyi kukanganiswa nezvirongwa zvakaita selockdown apo veruzhinji vanenge vasingatenderwe kufamba-famba.

Kwayedza inoita hurukuro naVaJoel Muzamhindo vanoshandira kambani yeFeedmix iyo inotengesa huku dzechibhoyi dzemhando dzakasiyana, chikafu nemishonga yekudzirapa vari kuZimbabwe Agricultural Show.

Vanoti bhizimisi rekupfuya huku riri kusimukira zvikuru munguva ino.

“Tiri kufundisa varimi machengeterwo emhando dzakasiyana dzehuku dzechibhoyi. Huku dzakakosha zvikuru nekuti dzinounza mari saka murimi chaiye haaneti mukudziriritira.

“Chekutanga, murimi anogadzira danga rehuku dzake nefenzi ine maburi-maburi kuitira kuti mhepo inge ichipinda zvakanaka. Musuwo wedanga unofanira kutarisa kumabvazuva apo kumadokero kwakavharwa kuitira kuti dzisarohwa nezuva. Mhando yehuku idzi dzakatanga dzichibva kune dzimwe nyika asi iko zvino dzatekeshera muno,” vanodaro VaMuzamhindo.

Vanoti huku dzinoda chikafu chakakwana uye hadzifanirwe kuwandisa mudanga radzinochengeterwa kuitira kudzivirira zvirwere.

“Huku dzinobatwa zvekare nezvirwere zvakadai sechikosoro, zveganda nezvimwe zvekuti kana murimi akasashanda nemadhumeni kuti azive mishonga yakakodzera, anogona kurasikirwa nedanga rose mukati menguva diki.

“Danga rinofanira kugara rakachena uye ndiro dzinodyira huku dzinoda kusungwa netambo dzakarembera mudanga, dzisingagumi pasi. Izvi zvinoita kuti chikafu chehuku chisasvibiswa,” vanodaro.

Vanoti munguva yelockdown, varimi vakawanda havana kunyanya kushushikana nekuti vaiwana mari vari mudzimba.

“Tinokurudzira zvekare varimi kuti vaendewo pamasaisai vachiita ongororo maringe nehuku dzavangada kuchengeta uye zvichifambirana nenzvimbo dzavanogara nemamiriro ekunze.

“Kubva muhuku, varimi vanowana mazai ekutengesa, nyama ine mapuroteni pamwe nemupfudze wematosi unova wakakosha zvikuru kuvarimi vehove nekuti ndicho chikafu chadzo uye vamwe vanoisa muzvirimwa zvavo zvichinyatsokura zvakanaka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links