Kupfuya mbudzi kune mari

14 Oct, 2021 - 09:10 0 Views
Kupfuya mbudzi kune mari

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BHINDAUKO rekupfuya mbudzi rinowanza kutorerwa pasi nevanhu vazhinji zvisinei nekuti rine mikana yakakura yekuti murimi nemhuri vawane pundutso mukurarama kwavo.

KuZimbabwe Agricultural Show ichangodarika, varimi vakawanda vakaratidzira mhando dzembudzi dzavanouchika seBoer yekunyika yeSouth Africa idzo vanozoita kuti dzisangane nedzemuno pachibuda mhando yembudzi dzakanaka zvikuru.

“Ini ndinoshanda kuMaromo Project pedyo neBeatrice, kwaSeke, uko tinochengeta mbudzi 200. Bhizimusi rekuchengeta mbudzi rakakosha zvikuru nekuti rine mari zhinji uye hadzibatwe nyore nezvirwere kana tichienzanisa nezvimwe zvipfuyo.

“Tine maBoer goats akabva kunyika yeSouth Africa asi nekuda kwekudzisanganisa kwatinoita nehadzi dzemuno (Hard Mashona), tava nembudzi dzakakura zvikuru idzo dzinofarirwa nevakawanda pamisika nekuti dzinoburitsa nyama yakawanda.
“Mbudzi gotora inotipa US$2 000, dzimwe dziri pakati nepakati dzichiita US$800 kusvika US$1 200,” anodaro Respect Katsande.

Anoti nyama yembudzi usavi hwakanaka zvikuru.
“Nyama yembudzi inokwanisa kudyiwa iri nyoro kana kuomeswa uye kune dzimwe nyika inovandudzwa apo inogaiwa ichiiswa mumagaba yozotengeswa. Munyama yembudzi tinowana mapuroteni anoita kuti tikwanise kutanda zvirwere.

“Mbudzi hadzinetse kuchengeta asi dzinodawo matanga akachena, nzvimbo dzinopinda mhepo, kutengerwa kudya kunovaka muviri nekupotawo dzichiendeswa kumafuro,” anodaro.
Mbudzi dzaanochengeta idzi ndedzaVaWoggi Sibanda vanova muridzi weMaromo Goat Project.
Mumwe murimi wembudzi zvekare, VaTirivangani Soko, avo vanoshandira VaTerrance Tendai Muripo pachirongwa cheBoer Goats Stud Woza paMaston Farm, kuBindura vaiva kushoo yegore rino kekutanga.

“Basa rekuchengeta mbudzi rinoda kushinga nekuti dzinobatwawo nezvirwere zveganda, pakati pezvimwe, apo dzinoita maronda kana kubva ganda remumusoro padyo nenyanga. Pane mishonga yadzinofanira kutengerwa kuti dzirapwe uye tinodzifirita nemishonga kuti dzisarumwe nezvishambwe.

“Dzinogezwa nekukamwa mvere kuti dzigare dzakachena uye matanga adzo anofanira kugara akachena. Dziya dzinenge dzava kuda kubereka, tinodzichengetedza zvakanaka kuti dzisazobarira musango kumafuro kunogona kunge kuine zvikara,” anodaro.

Soko anoenderera mberi achiti, “Mbudzi dzinoda kuchengetedzwa nekuti dzinogona kunodya zvirimwa zvevaridzi poita mitauro kana kudya zvirimwa zvakafiritwa nemishonga murimi orasikirwa. Mbudzi zvidadiso, kungodzitarisa dzinoyevedza nekudaro zvinobatsirawo mukukwezva vashanyi sezvinoita vamwe vaya vanouya kuZimbabwe kuzoona mhuka dzesangano.

“Mbudzi imwe chete inoita US$3 000 kana kudarika zvichienderana nekukura kwayo.”

Share This:

Sponsored Links