Kupfuya tsuro kune mari

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Kupfuya tsuro kune mari Vana vechikoro nevamwe vanhu vakuru vachiona dzimwe dzetsuro dzinopfuiwa naVaGift Jambaya kuHarare Agricultural Show nemusi weChipiri chino — Mifananidzo naTariro Kamangira.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vekumatunhu akasiyana enyika vokurudzirwa kupfuya tsuro senzira yekuvandudza mabasa avo sezvo bindauko iri rinonzi rinoita kuti vazviwanire mari yakawanda zvikuru kuburikidza nekudzitengesa.
Kurudziro iyi yakapihwa naVaGift Jambaya avo vanozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Mr Tsuro vanove murimi ane mukurumbira kuWestgate muguta reHarare.
Murimi uyu anorima paPlot N kuWestgate uye anoti atsvitsa makore gumi achiita bindauko rekupfuya tsuro.
“Ndinopfuya mhando dzakasiyana dzetsuro dzinosanganisira New Zealand White, New Zealand Black, New Zealand Red, Carlifonia, Angora, English, Zika, Chinchilla Grey neFlemish Giant. Kune dzimwe mhando dzakawanda dzinochengetwa muno idzo ndine tarisiro yekuzopfuya nedzimwe dzekunze,” vanodaro. Mhando yeNew Zealand neChinchilla vanoti ndidzo dzinonyanya kufarirwa neruzhinji rwunopfuya tsuro nekuda kwekukura kwadzo uye dzinopa nyama yakawanda zvikuru.
Mhando yetsuro idzi vanoti dzinobereka vana vakawanda zvinoita kuti murimi akurumidze kupfuma nekuzviwanira mari.
“Tsuro dzinoda kugadzirirwa matanga akafaranuka umo dzinokwanisa kutamba nekudyira pasina dambudziko dzichisvetuka nekuhwanda. Pamusoro pezvo, nzvimbo inogara tsuro inofanirwa kunge yakashambidzika zvikuru kuti dzisabatwe nezvirwere. Tsuro ikagara zvakanaka, inobereka vana vanodarika 16 panguva imwe chete izvo zvakatomboitika kutsuro yangu yakabereka vana 16 pasina yakafa,” vanodaro.
VaJambaya vanoti tsuro dzinopihwa kudya kunosanganisira huswa hwakaoma, makireshi anobva muzvirimwa zvinoti chibage, mhunga, mapfunde, gorosi nemaringazuva, sora, muriwo, makarotsi, bhinzi nemanwiwa.
“Mukati mekudya uku, hatisiye mapellets atinotenga muzvitoro zvinotengesa kudya kwetsuro nekwezvimwe zvipfuyo. Nyaya yakakosha zvikuru ndeyekuti tsuro dzinogara dzichida mvura yakawanda zvinodzipa utano,” vanodaro.
Panyaya yehuswa hwekudya hwetsuro, VaJambaya vanoti vanokurudzira mhando yehunonzi lucerne uho hune kudya kunonzi kwakanakira tsuro.
Vanoti tsuro inodya kudya kune huremu hunokwanisa kusvika 100g pazuva. Kana tsuro dzichichengetwa zvakanaka tsuro dzinokwanisa kubata mawuta mushure memasvondo mashanu dzabereka sezvo vana vacho vachirumurwa nguva iyoyo hadzi idzi dzobva dzapihwa mikono.
“Fungai kuti tsuro inongoita mazuva 28 chete iine mawuta yobva yaita vana. Kureva kuti munhu unogara uri mumari chete sezvo tsuro yako ichikwanisa kubereka katatu kana kuti kana pagore. Zvakadai ndine tsuro dzinokwanisa kusvika 2 000 pamwe chete idzo ndinotengesa nguva nenguva dzakura uye kune vamwe vanodawo diki, asi hombe dzinokwanisa kusvika 6 kgs kana kudarika zvichienderana nemhando yacho,” vanodaro.
Murimi uyu anoti anotengesa tsuro dzake nemari inobvira pa$20 kusvika $40 hombe dzacho, diki achiitawo mari iri pasi.
VaJambaya vanoti vanodyidzana zvikuru nemasangano anokurudzira kupfuiwa kwetsuro akadai sereRabbit Breeders and Producers Association of Zimbabwe.
l Svondo rinouya tichakupai nyaya inenge iri pamusoro pezvirwere zvinobata tsuro nezvingaitwe kuzvidzivirira.

Share This:

Sponsored Links