Kupihwa kwechikafu kuruzhinji kwofambira mberi

04 Dec, 2024 - 16:12 0 Views
Kupihwa kwechikafu kuruzhinji kwofambira mberi

Munyori weKwayedza

CHIKAMU chechitatu chekupihwa kwechikafu kuruzhinji, icho chakatanga mwedzi wadarika, chichaona vanhu vanosvika 6,54 miriyoni vachibatsirwa apo mumadhorobha vamwe vanodarika 27 000 vakatobatsirwa nemari yekutenga chikafu kusvika parizvino.

Izvi zvakaziviswa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr Jenfan Muswere, apo vaitaura kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri chino.

Vanoti Cabinet yakazeya gwaro rekubatsirwa kwevanoshaya reFood Deficit Mitigation Strategy, the Urban Cash Transfer Programme and the Movement of Grain iro rakaturwa negurukota rebazi revashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanotambura, Cde July Moyo.

“Chikamu chechitatu chekugovera zvekudya chakatanga nemusi wa1 Mbudzi, 2024 chiine chinangwa chekubatsira vanhu 6,54 miriyoni uye pachitanga kupihwa vasina kunge vakawana pakapihwa chikafu muchikamu chechipiri,” vanodaro Dr Muswere.

Kudunhu reManicaland, vanhu vachabatsirwa nechikafu vanotarisirwa kusvika 1 223 732, Mashonaland Central (762 290), Mashonaland East (960 526), Mashonaland West (867 642), Masvingo (969 470), Matabeleland North (524 713), Matabeleland South (343 658) neMidlands (911 088).

Izvi zvinoreva kuti huwandu hwevanhu vanotarisirwa kubatsirwa nechikafu munyika yose hunosvika 6 563 119.

Pasi pechirongwa cheZunde RaMambo/Isiphala SeNkosi, matani 4 362,51 echibage nezvimwe zvinosanganisira mapfunde akatorwa nemadzishe senzira yekubatsira vanhu vari pasi pematunhu avo.

“Pasi pechirongwa cheUrban-Cash-for-Cereals, vanhu 27 877 vakange vabatsirwa nemari kusvika musi wa25 Gumiguru, 2024,” vanodaro Dr Muswere.

Chirongwa chekupihwa kwevadzidzi chikafu nechimbi-chimbi cheEmergency Schools Feeding Programme chicharamba chiri chikamu cheFood Distribution Programme, sezvo vadzidzi muzvikoro vari kupihwa zvekudya zuva nezuva.

Kusvika nemusi wa10 Mbudzi, matani 19 091.28 ehupfu pamwechete nechibage akange aendeswa kuzvikoro pasi pechirongwa ichi.

Hurumende yakapindira nekupa chikafu zvichitevera kusanaya kwemvura mwaka wezhizha wadarika zvichikonzerwa neEl Nino izvo zvakaona mhuri dzakawanda dzichitarisana nedambudziko rekuwana zvekudya.

Vadzidzi vemuzvikoro vari kubatsirwawo pasi pechirongwa ichi kuitira kuti nyaya dzedzidzo dzisakanganiswe.

Mhuri dzinonetseka kuwana chikafu, asi dzichigara mumadhorobha, dziri kubatsirwa zvekare izvo zvinoenderana nezvinogarwa zvichitaurwa nemutungamiriri wenyika, President Mnangagwa, kuti hapana munhu kana nzvimbo inofanirwa kusaririra kumashure panyaya dzebudiriro.

 

Share This:

Sponsored Links