Kupihwa kwevana chikafu muzvikoro kwadzoka

21 Nov, 2022 - 07:11 0 Views
Kupihwa kwevana chikafu muzvikoro kwadzoka Dr Evelyn Ndlovu

Kwayedza

Leonard Ncube

HURUMENDE inoti yakazvipira kuti muzvikoro muchitanga kubikwa chikafu chinopihwa vana senzira yekubatsira kuti vasarovhe kuchikoro nekuda kwenzara pasi pechirongwa cheSchools Feeding Programme.

Chirongwa ichi chakavambwa neHurumende makore akadarika izvo zvakaona zvikoro zvichipihwa chibage nehupfu, bhinzi nezvimwe zvakasiyana.

Zvimwewo zvikoro zvaizowedzera nechimwe chikafu chakatsaukana.

Chirongwa ichi chakange chambomiswa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana asi zvikazoonekwa kuti zvakakosha kuti chimutsiridzwe.

Gurokota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Evelyn Ndlovu, vanoti chirongwa ichi chakange chambomiswa nezvikonzero zvinosanganisira huwori pakutengwa kwezvinhu zvaibikiswa chikafu chaizopihwa vana vechikoro.

Vakataura izvi apo vaipindura mibvunzo pamusangano wakaitwa svondo radarika kuVictoria Falls uyo wakapindwa nevakuru vezvedzidzo nevezvikoro nevamwe vakabva kudzimwe nyika dzemuAfrica nebhanga reWorld Bank pamwe nesangano reGlobal Partnership for Education.

Dr Ndlovu vanoti chirongwa chekupihwa kwevana chikafu chave pedyo nekuzotanga zvakare.

Chikwata chevakuru vezvedzidzo vaiva pamusangano uyu vakazobvakachira zvikoro zvitanhatu kuVictoria Falls vachiona madzidziro evana.

VaPhatugwalo Masuku vanove mukuru wechikoro cheChamabondo Primary vanoti kushaya chikafu kwevana kunovakanganisa zvakanyanya sezvo vamwe vanopedzisira vorovha chikoro nekuda kwenzara.

“Sesu, chikoro chedu hatina kumbobvira takamira kubikira vana vedu kudya asi hatikwanise kuvabikira mazuva ose. Tinoshandisa zvishoma zvatinazvo.

“Vamwe vana vanorega kuuya kuchikoro nekuda kwenzara,” vanodaro VaMasuku.

Muchirongwa ichi, vanoti kune mamwewo masangano akazvimirira anombovabatsira.

Vachipindura mibvunzo, Dr Ndlovu vanoti Hurumende yakambomisa chirongwa ichi nekuda kwehuwori hwaiitika pakutengwa kwezvaizobikiswa chikafu chevana.

“Panyaya yechirongwa chekupa vana chikafu muzvikoro, takaita dambudziko panyaya yekutengwa kwezvinhu, ndosaka tisati tatanga kupa chibage. Vanhu vaichaja mari dzakawandisa saka bazi rezvemari rakati hatikwanise kubhadhara tichishandisa hukoshi hwemari yepamusika wemukoto.

“Sezvo tave kudzoka kuzvikoro, tichatanga chirongwa chekupa vana chikafu,” vanodaro Dr Ndlovu.

Panguva yekurwisana nechirwere cheCovid-19, mamwe mapoka nemakambani akazvimirira vechikwata chinodaidzwa kuti Victoria Falls Task Force chinonzi chakaenderera mberi nekupa vana vechikoro chikafu pamwe nedzimwe mhuri dzinotambura.

Pane imwe nguva, chikwata ichi chinonzi chaipa chikafu kuvanhu vanodarika 1 000 pazuva rega-rega.

Share This:

Sponsored Links