‘Kurapwa kuchipatara handi kun’ora’

22 Feb, 2023 - 10:02 0 Views
‘Kurapwa kuchipatara handi kun’ora’ Mai Ntombizodwa Revesai

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reApostolic Women Empowement Trust (AWET) riri kudzidzisa vanhu vanopinda kereke dzechipositori munharaunda yeShurugwi, kuMidlands, kukosha kwekuenda kuzvipatara kunorapwa kana vachinge varwara pamwe nekubatsirwa kana madzimai akazvitakura pane kubarira mudzimba.

Nekuda kwezvitendero zvavo, vamwe vanopinda kereke dzechipositori havaende kuzvipatara kunorapwa kana vachinge varwara uye vanosunungukira mudzimba nekunzvimbo dzinozivikanwa nekuti chitsidzo.

Mai Ntombizodwa Revesai, vanove District Health Officer weAWET kuShurugwi, vanoti vari kuita basa rokukurudzira vanamati vemakereke echipositori kuti vaende kunorapwa kuzvipatara kana varwara nezvirwere zvinosanganisira HIV neAIDS kana TB.

AWET iri kushanda yakabatana nesangano reNational AIDS Council munzvimbo yeShurugwi.

Mai Revesai vanoti mutsvakurudzo yavakaita, zvakaonekwa kuti Midlands iri kutungamira panyaya dzekunyuka patsva kweHIV neAIDS.

“Tiri kushanda nevanhu vanopinda kereke dzechipostori tichionesana navo kuti hapana chakaipa kuenda kuzvipatara kunorapwa kana kunoonekwa nachiremba uye madzimai akazvitakura vagosunungukira muzvipatara.

“Vanhu vanopinda chipositori vazhinji vanotungamidza mweya mutsvene uyo vanofunga kuti unorapa. Hongu, hatirambe kuti mweya mutsvene unoshanda, asi kuenda kuchipatara hakusi kun’ora, kunotovabatsira pautano hwavo,” vanodaro.

Mai Ntombizodwa Revesai

Mai Revesai vanoenderera mberi vachiti: “Tine vatinoti ma’behavioural change facilitators’ vanove vamwewo vanhu vanopinda positori iyoyo saka tinovadzidzisa upenyu hwakanaka hwekurarama kuitira kuti kana vadzokera kumakereke kwavo, vagonopawo ruzivo rwatinenge tavadzidzisa.

“Vanhu ava takavapa zvidzidzo maringe nenyaya dzeutano, HIV neAIDS uye nyaya yehutsanana.”

Mai Revesai vanoti sangano ravo riri kubatsirawo panyaya yekuvakwa kwezvimbuzi mudzimba munharaunda yeWard 18 kuShurugwi nemunzvimbo dzinonamatira mapositori.

“Nyaya yekushandura munhu mafungiro ake ihombe isingaitike ipapo-ipapo. Asi tine mufaro mukuru kuti chirongwa ichi chave kutambirwa nekuti mapositori vari kuona sechirongwa chavo saka tinenge tichitaura tichinzwisisana pamwe chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey