Kurarama sevadikani mumwe aine HIV, mumwe asina

21 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Kurarama sevadikani mumwe aine HIV, mumwe asina

Kwayedza

MUWANANO zvinoitika kuti mumwe mudikani anogona kunge aine HIV asi mumwe asina.

Mamiriro akadai aya anozivikanwa nekuti “Sero Discordant couple”.

MuZimbabwe, vanhu vakadai vanosvika chikamu che12 percent kureva kuti vanenge vari vanhu gumi nevaviri mukati mevanhu zana vari kurarama neutachiona hweHIV.

Zvakakosha kuti vanhu vari muwanano kana murudo vatange vanovhenekwa HIV pamwechete  nekupangwa mazano uye kana mumwe wavo achinge aonekwa aine utachiona, vange vachironga zvine huchenjeri.

Munhu wese anenge asingazive paamire anokurudzirwa kuti anovhenekwa kuitira kuti akwanise kuwaniswa rubatsiro rwekurapwa.

Uyo anenge awanikwa asina utachiona, anopangwa mazano ekuti arambe akadaro apo vanhu vanenge vaonekwa kuti vane utachiona vachipangwa mazano zvakare nekuwaniswa rubatsiro rwekurapwa, zvikuru sei rwemishonga yemaAnti-Retroviral Drugs.

Kuvhenekwa HIV kunokurudzirwa kuti kuitwe kamwechete pagore zvichienderana nekuti uri panyatwa zvakadai yekutapurirwa HIV.

Kana munhu achinge aonekwa kuti ane utachiona hweHIV, hazvirevi kuti ave kufa asi kuti anopangwa mazano ekuti ange achirarama hupenyu hwakanaka.

Machiremba ane ruzivo rwakakwana rwekubatsira vadikani vanenge vakati mumwe ane utachiona hweHIV asi mumwe asina kuti vangararama sei.

Mudikani anenge aine utachiona, anofanira kutora mishonga yake yemaARVs sezvo zvichibatsira mukuderedza huwandu hweutachiona uhu mumuviri  nekuderedza mikana yekubatwa nezvimwe zvirwere zvinongonyuka zvakadai serurindi.

Mudikani anenge asina utachiona anofanira kukurudzira mumwe wake kuti ange achitora mishonga.

Zvakakosha kuti vanhu vange vachishandisa dziviriro yemakondomu zvakasimba uye nemazvo kana mumwe aine utachiona uye nekuronga mhuri pamwechete.

Hazvina kukodzera kuita vana pasina kuronga. Kushandiswa kwemishonga yemaPre-Exposure Prophylaxis kwakakosha pakuderedza mikana yekutapurirana utachiona hweHIV kana uchinge uri panyatwa.

Share This:

Sponsored Links