Uncategorized

Kuratidza rudo nekurova

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati kurova kwaanoita mukadzi wake inzira yekuratidza rudo rwake kwaari.

Abigail Marovanidze akamhan’arira John Katiyo kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

“Murume uyu andionesa chitsvuku. Kutaura kuno handina kana mufaro nekuda kwake. Anouya kubasa kwangu ondishaudha pamberi pevandinoshanda navo. Handichina mufaro kubasa nekuda kwehunhu hwake.

“Akauya kumba hakurarwi achingopopota nekundiudza mashoko anorwadza. Kana zvakakwidza musi iwoyo nekurohwa nekurohwa. Ndava kutya nekuti akandiudza kuti anoda kundiuraya,” akadaro Marovanidze.

“Ini ndiri munhu anoita zvekutengesa pamusika uye ndinotaura nevanhu vakasiyana saka ndikangoonekwa ndichitaura nemunhurume chete hanzi ndatodanana naye, ndiri pfambi. Zvino ndikashanda ndakakwindimaririra makasitoma ndinozotengerwa nani? Handiti kutengesa uku kutsvaga kurarama?”

Akati murume wake anoti pane vanhu vari kumuudza kuti ane chikomba asi haana kana musi waakambomubata aine chikomba.

“Izvozvi pamakore mashanu atagara tose haasi kana kuita shungu dzekuunganidza mari yekuti anoroora, ari kungonakidzwa nekuchaya mapoto kwatiri kuita. Ini ndanetawo nazvo,” akadaro Marovanidze.

Katiyo haana kupikisana naMarovanidze pakuti akamurova.

“Changamire, mukadzi uyu ndinomuda zvikuru asi haanzwisise. Ndakamutsiura kakawanda nenhau yekufonerwa nevanhurume vasinganzwisisike asi haadi kunditerera. Haandibudiri pachena kuti hushamwari hwake nevanhurume ivavo ndehwei.

“Kumurova kwandakaita ndakatoita nekuda kwerudo rwandinarwo kwaari ndichiedza kuisa mumwe wangu mugwara. Ndadanana naye kwemakore mashanu saka zvekuti azongondiramba nekushingirira kwandinoita rudo rwedu kwete, hazviiti,” akadaro.

“Ndinomupa zvose zvaanoda nekumuchengeta asi haazvioni kana kuzvikoshesa izvozvo. Pamakore mashanu atagara tose nditori mushishi yekuunganidza mari yekunoroora asi iye ari kuti ndiri kumunyepera. Kusiri kungoti nyika yacho yaoma kudai ndakatonobvisa roorakare.” Mutongi Trevor Nyatsanza akatambira chikumbiro chaMarovanidze.

Share This:

Sponsored Links