Kuregerera hunhu hwakaipa

19 Jun, 2020 - 00:06 0 Views

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena
KANA ronda rikarega kurapwa nguva ichipo, rinony’enga rokura, pangava pagumbo, paruoko kana papi zvapo. Vanamazvikokota veutano vanoti ronda irori rinogona kuzokura kuita gomarara iro rinozopararira nemuviri wose.

Kana zvadaro, rava kupa muviri wose njodzi yekusazorapika.

Izvi zvinosvitsa munhu kuti upenyu hwake huparare neronda rakaregererwa vanhu vachiti tichati tozoti.

Ndizvozvowo nechirwere, chinotanga chichiri chidiki chichigona kurapika pasina kurasikirwa nemari yakawanda. Asiwo chikaregererwa, chinopedzisira chatekeshera nemuviri wose pamwe chete nekukoka zvimwe zvirwere. Izvi zvinopa njodzi kumunhu zvakare.

Mwana akaratidza kuita hunhu husirihwo achiri mudiki uye akasadzorwa nerushamhu kana kumutsiura, anoita zvimwe chetezvo zvinoitwa neronda nechirwere. Anoenderera nehunhu hwake husirihwo kudzimara akura nahwo, achihudiridzira nekuisa manyowa kuzvikira tava negaranyanya mumba.

Apa ndipo patinozopepuka kuti zvinhu zvaipa, topedzisira tichiti takapihwa mhepo nevehukama kana nevavakidzani.

Nguva inokudza zvose, naizvozvo zvinhu zvinoda kuitwa nguva iripo tisarasikirwe nezvakawanda.

Pane zvinhu zvakawanda mumisha yedu, mumatunhu atinobva, mumakambani atinoshanda, mumakereke atinopinda izvo zvatinoregerera zvichiny’enga seronda kana sechirwere isu takatarisa uye tisingatore matanho ekuti tizvipedze nguva ichiripo kudzimara zvatekeshera nenyika yose zvekuti hatichazvigona kuzvipedza nokuti zvinenge zvoda mari yakawanda iyo yatisina. Ngatitore semuenzaniso mafambiro emakombi anotakura veruzhinji mumadhorobha nemaguta. Makombi aya akaregererwa mumigwagwa achirezvwa nevose vane chekuita nemafambiro emotokari mumigwagwa vakatarisa. Hezvo nhasi uno migwagwa yedu haichafambika zvakanaka, yave kutyisa. Migwagwa yedu yave kuita semusango mekuti mhuka nezvose zvinogara nekufamba musango zvinoita zvazvinoda pasina murawo unotevedzerwa. Asi chokwadi ndechekuti kufamba nemotokari mumigwagwa kunotodzidzirwa uye kune mitemo inotevedzerwa.

Pane vanhu vanofanira kuona zvakare kuti mitemo yemigwagwa yatevedzerwa here asi hatione izvi zvichiitika. Vamwe vanogutsikana nekupihwa mari vochekeresa ruzhinji rwose rweZimbabwe. Kungave kunopihwa marezinesi anobvumira vanhu kutyaira motokari mumugwagwa, kana kune vanoona kuti vanhu vanofamba mumugwagwa vane zvinodiwa here, kana mafambiro chaiwo anoitwa mumugwagwa atevedzerwa here. Zvose izvi hapana achatevedzera.

Zvimwe zvacho zvinokonzerwa nesu vakuru vacho tinomanikidza vanofanira kuona mafambiro ezvinhu akanaka mumigwagwa kuti vasaite basa ravo zvakanaka tichivatyisidzira nemabasa edu makuru. . Dare rino harikurudzire kuita kusina kururana mungava mumusha, mukambani kana munyika yedu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>