Kurima bindu zvine pundutso

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Kurima bindu zvine pundutso Izvi ndizvo zvimwe zvaiitika kuWard 5 kwaMurewa paSeedCo vegetable trials.

Kwayedza

Kazembe Maocha
VARIMI nevarimisi vekuWard 5, kwaMurehwa, pamwe chete neve kudistrict office vanosanganisira Mai Ndege (training officer), varimisi Mai Chimano naMai Masango, murimi VaCaleb Nyamande, Councillor Chimuteka, nemadzisabhuku vakave nezuva rakanaka rizere nekudzidza apo vakashanyira kuSeedCo vegetables trials nemusi weChishanu 15 Kurume 2019.

Vakadzidziswa zvirimwa zvinoti matomatisi, butternuts, pepper (green, red, yellow), magaka eEnglish cucumber nepeas izvo zvinodiwa kumisika yekunze nemuriwo weRape.

Pakave nekudyarwa kwembeu yemadomasi iyo ine mukurumbira munzvimbo yeMurehwa. Abigail, Beauty Magiya naMasimba Kanyepi vekuSeed Co vakakurudzira zvakanyanya kudyarwa kwembeu dzerudzi rwemaHybrids kumapindu sezvo dzichiburitsa hunaku hunodikanwa kumisika yepamusoro semahotera murimi achizviwanira mari yakawanda.

Mbeu idzi dzinobuda mumunda dzakaenderana uye dzinozvidzivirira kuzvirwere zvakawanda. Mbeu dzemaHybrids idzi dzinosanganisira Pietrarossa, Candela, Daisy, Oasis neThomas kumadomasi, makerotsi eHekla, zvichitiwo kuCabbage kune Fabiola inoda mazuva ekuibva 65 chete, Delight Red Sky neCorton dzine field holding capacity yakakura, hanyanisi dzinoti Ead, Regent neSaturn idzo dzine mukana wekuomeswa uye dzigochengetedzeka kwenguva yakareba.

Varimisi veSeed Co vanosanganisira VaKazembe Maocha naElizabeth Benjamin mudunhu reMurehwa neMashonaland East vanogona kuzopa mhando dzembeu dzinoenderana nemurimi mudunhu umu. Seed Co ine varimisi vakatekeshera nenyika yose zvayo.

Beauty Magiya akazotiwo Seed Co inewo mbeu dzemaOPV kuitira varimi vachiri kuda kudzidza asi kurudziro iri yekuita maHybrids sezvo iri iwo ane goho repamusoro.

VaCharlse Munyoro vakazopendera nekupa mbeu dzimwewo dzinoitwa neSeed Co kurudziro ichiva pambeu yeSoya beans kuitira kugadzirisa ivhu uye utano hwemhuri. Mbeu dzinoti Sequel neSquire ndidzo dzavakati dai dzarimwa zvikurusa munzvimbo yeMurehwa.

Mukutenda, Councillor Chimuteka vakavimbisa kuti ward yavo ichatsigira zvizere kambani yeSeed Co.

 

l Kazembe Maocha murimisi kuSeed Co.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey