Kurima fodya nekuchengetedza nharaunda

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Kurima fodya nekuchengetedza nharaunda

Kwayedza

Steve Mapfumo
KUNYIKA dzakawanda dziri kurimwa fodya zvinotaridza kuti nharaunda dziri kukanganiswa, zvikuru apo varimi vanenge vachitema miti nechinangwa chekuwedzera minda yavo kana kuti vachitsvaga huni dzekupisa fodya.

MuZimbabwe, kurimwa kwefodya kwasimukira zvikuru kwemakore mana adarika nekuda kwevarimi vadiki avo vakapihwa minda pasi pechirongwa cheHurumende chekugovera ivhu kuruzhinji.

Semuenzaniso, huwandu hwevarimi vakanyoresa kurima fodya hwakawedzera kubva pa22 000 muna 2012 kuenda pa64 775 gore rapera uye pane zviratidzo zvekuti varimi ava vachawedzera zvikuru zvakare mwaka uno.

Zvakadaro, kusimukira kwekurimwa kwefodya uku kuri kuitika panguva iyi masango ari kuparadzwa kunzvimbo dzakasiyana dzenyika izvo zvinova zvinoda kugadziriswa.

Kana murimi achipisa fodya yake achishandisa huni, anoda dzakawanda kudarika marasha nekuti hadzinyatsobvira zvakanaka.

Varimi vakawanda vanoshandisa huni pakupisa fodya yavo uye ongororo yakaitwa inotaridza kuti murimi anenge awana goho refodya inorema 1 400 kgs pahekita yoga-yoga anoda matani akawanda ehuni dzekuipisa.

Mugore ra2011, masango akakura mahekita anosvika 46 000 anonzi akaparadzwa nevarimi vaitema huni dzekupisisa fodya.

Zvakadaro, sangano reEvironmental Management Agency (EMA) riri kushanda nesimba mukurwisa kuparadzwa kwezviwanikwa zvakaita semiti zvisina tsarukano.

Munhu anobatwa nemhosva yekungotema muti anogona kubhadhariswa faindi ye$300.

Sangano reTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) rakatanga chirongwa chekupa varimi vakanyoresa kurima fodya miti yerudzi rweEucalyptus kuti vange vachiidyara kunzvimbo dzavanorimira vari.

Pane imwe mhando yedhirihora rekupisira fodya rakagadzirwa muZimbabwe iro rinozivikanwa nekuti ‘rocket ban’ rinoshandisa huni shoma-shoma pakupisa fodya. Kune mamwe makambani zvakare anopa macontract kuvarimi ayo ari kuvabatsira kuti vange vachiwana marasha ekupisa fodya yavo zviri nyore.

Varimi vanogonawo kurima fodya yemhando

yeburley iyo isingade kupiswa.

 

Steve Mapfumo ndiHead of Operations weZanu PF Youth League and Lasch Enterprises P/L Joint Venture. Vanokwanisa kubatika panhamba dzinoti: (04) 668773 kana padandemutande rinoti [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey