Kurima howa kune mari

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Kurima howa kune mari Mai Shupikai Chikwasha vachitaridza humwe hwehowa hwavanorima

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

VARIMI vokurudzirwa kuvandudza mabasa avo kuburikidza nekurima zvimwe zvirimwa zvinopa mari nekukasika zvakadai sehowa.

Vazhinji vanotya kurima kana kudya howa nekuti vanofungidzira kuti chirimwa ichi chinouraya chikabikwa kana kurimwa nenzira dzisiridzo. VaSylevester Mudayi vanova murimi wehowa muHarare

vanoti chakakosha kuwana ruzivo ruzere pamusoro pemarimirwo ehowa.

“Chakakosha kuva neruzivo rwakakwana usati waita zvehowa, asi chirimwa chiri nyore zvakanyanya kurima uye hachidi zvakawanda pakurimwa kwacho,” vanodaro.

VaMudayi vanoti howa hune marimirwo aho izvo zvakasiyana nehunongobuda hwoga musango.

“Pakurima howa sevarimi, tinoona kuti patiri kurimira pane mhepo yakakwana here uye huri kuwana chiedza chakakwana here. Hapafaniri kuva nemishonga inouraya muimba inenge yarimirwa howa kana mimwewo mishonga zvayo inorwarisa nekuti hunotora mishonga iyi pakukura  zvinova zvinozokanganisa pakudyiwa kwahwo. Howa hunopa mari kumurimi pakuti chirimwa chinorimwa nguva dzose apo hwemusango hunenge husingachawanikwe,” vanodaro.

VaMudayi vanoti howa hunorimika panzvimbo diki uye hunonyatsoita kana hukarimirwa mumba makavharika musingapinde mhepo yakanyanya nezuva.

Vanoti mutemo wekurimwa howa ndewekuti hunofanira kurimirwa musina chiedza chakawanda ndiko kuti hukure zvakanaka. Mumwe murimi wehowa, Mai Shupikai Chikwasha vanorima vari kuHatcliffe, muHarare zvakare vanoti iri ibhandauko rinounza mari zviri nyore.

Vanoti vakatanga kurima howa gore rapera asi parizvino vava kutengesera vanhu vakasiyana-siyana muHarare.

“Howa ndakahutanga kuhurima sekutamba kupfurikidza nekudzidziswa nekuti hune nzira yaho yekurimwa yakasiyana nezvimwe zvirimwa. Howa hunorimwa kubva mumarara nechakumvumvu (moulds) asi zviviri izvi zvinofanira kuva zvakagadzirwa zvakanaka uye kuti murimi ave neruzivo rwakakwana nezvazvo. Pandakambodzidziswawo pekutanga, ndakambotadza uye howa hwangu hwakaramba kubuda zvakanaka. Asi ndakazowana zvidzidzo zvakanyanya kubva kune veAgri Practical Environmental Solutions,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndivo vakandidzidzisa nzira dzekurima howa dzakanangana nekuchengetedza nharaunda dzatigere vachiti kurima howa kunoderedza kupiswa kwemarara zvinova zvinokanganisa mamiriro ekunze. Vanoti marara echibage kana zvimwewo zvirimwa anoshanda zvakanyanya pakugadzira chakumvumvu chinoshandiswa kuti howa hukwanise kumera nekukura,” vanodaro.

Mai Chikwasha vanoti howa hunoshandiswa semuriwo kana huchinge hwabikwa uye vamwe vanoita hwekugocha. Vanotiwo howa hyunoshandiswa zvakare kugadzira husavi kana kuti muto wekuisa mune mimwe miriwo.

Howa hunonzi hwakanakirawo kune vaya vasingadye nyama nekuti hunongoita senyama kana huchinge hwabikwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>