Kurima kwava nyore

02 May, 2023 - 16:05 0 Views
Kurima kwava nyore VaTirivangani Koza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARIMI vadiki vari kubatsirika zvikuru zvichitevera kuadzirwa kwemichina midiki yekurimisa inosanganisira matarakita, yekudyarisa, yekufiritisa mbesa uye yekukohwesa zvinova zviri kurerutsira kunyangwe zvipfuyo zvinosanganisira mombe izvo zvainyanya kushandiswa mukurima.

VaTirivangani Koza, avo vanova head of Agriculture Institute of Engineering, vanoti varimi vadiki vane chikamu che70 percent chehuwandu hwevanhu vari munyika uye vazhinji vavo vari kupona nekurima vachishandisa simba rezvipfuyo kana kusakura nemapadza.

“Kushandiswa kwemichina yekurimisa kunorerutsira varimi zvichiita kuti basa rinakidze kuvanhu vemazera ose. Tine varimi vadiki vanorima zvekudya nemhuri uye maA1 vane minda midiki inobvira pahekita imwe chete kusvika kumatanhatu.

“Varimi vari muchikwata ichi vanorima chikamu che90 percent uye vachiwana goho rezvirimwa zvetsanga zvine chikamu che70 percent. Zvichitevera kufa kuri kuita mombe nekuda kwezvirwere, nyika iri kutarisana nekushomeka kwezvekushandisa mukurima nekudaro bazi redu rakaona zvakakodzera kuti tishande nemakambani anogadzira matarakita madiki (two wheel tractors) kuti varerukirwe mukurima,” vanodaro VaKoza.

Vanoti matarakira aya akagadzirwa nenzira yekuti anokwanisa kudyara, kusakura, kuisa fetiraiza mumunda, kukohwa nekuzoendesa goho racho kumatura.

Tarakita diki

“Takadzidza zvakawanda kubva kumasangano akadai seFarm Mechanization and Conservation Agriculture for Sustainable Intensification (FACASI), Zimbabwe Resilience Building Fund (ZRBF) neR4 Rural Resilience projects ichitsigirwa neveInternational Maize & Wheat Improvement Centre (CIMMYT) yakabatana nebazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa.

“Tine varimi vakawanda vari kufara zvikuru nekushandiswa kwemichina munzvimbo dzakadai seMasvingo, Nyanga neMakonde. Varimi ava vari kupupura kuti vari kuwana goho guru uye vava kuwana mukana wekuita mamwe mabasa nekuti hazvichavatoreri nguva zhinji vari muminda,” vanodaro.

VaKoza vanoti kushandiswa kwemichina yekurimisa kunobatsira zvekare varimi kuti vagone kubata mwaka vachirima kwegore rose.

Muchina wekutsokonyora mbesa

Izvi, vanodaro, zvinobatsira kurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze idzo dzinogona kuuya nenzira inoita kuti goho riderere.

VaJaji nemudzimai wavo, avo vanorimira kuMakonde District, vanoti vanorima gorosi nechibage vachishanda neveCIMMYT kubva muna2014.

“Tinorima nenzira yemasutso pamunda wedu une mahekita 50 kureva kuti tinoshandisa manyowa nemashanga echibage, hatishandisi fetiraiza. Takatenga tarakita diki iri kutibatsira zvikuru nekuti mumakore adarika takanga tava kurendesa mamwe mahekita emunda 20 asi iko zvino tava kurima munda wedu wose.

“Tinohayisa zvekare tarakita iyi kune vamwe varimi vari munharanda tichiita mari. Matarakita aya ane pekukohwesa, kutsokonyora mbesa nekutakura uye kudyara saka kurima hakucharwadza,” vanodaro VaJaji.

Vanoti vakadzidziswa nebazi rezvekurima pamwe neveFACASI maringe nemashandisirwo ematarakita aya anova akabva kuBrazil.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>