‘Kurima ngarive bhizinesi’

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
‘Kurima ngarive bhizinesi’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARIMI vefodya vokurudzirwa kutora kurima sebhizinesi kuitira kuti vawane punduko mumabasa avo.

Kurudziro yakaitwa pamusangano wevarimi wakaitirwa muguta reHarare nguva pfupi yadarika uyo wakapindwa nemapoka akasiyana waive nedingindira rinoti  “Kusimudzirwa kwebhizinesi rekurima fodya kunosimudzira nyika.”

Director weboka reCardinal Chartered Accountants (Zimbabwe) – VaEricanos Matukudure – vanoti musangano wemhando iyi unobatsira varimi zvikuru nekupangwa mazano apo vakatarisana nekuvhurwa kwemisika inotengesa fodya.

“Tinoda kupa varimi mazano ekuti vange vachitora kurima sebhizinesi uye kuti vange vachiita purofiti pachinzvimbo chekuti varasikirwe. Tiri kuvafundisa kuti vadzidze kuchengetedza marikodhi anoratidza kubudirira kwavo kana kudonha mubhizinesi zvinoita kuti vatore matanho ekugadzirisa zvibingaidzo zvavanenge vari kusangana nazvo,” vanodaro.

“Tiri kufundisa varimi vefodya kuti vange vachiwana ruzivo rwekurima kwakanaka, kutangira pakugadzira nhondo dzefodya kusvika pakuzoendesa fodya yacho kumisika.”

VaMatukudure vanoti gore rino vakakwanisa kukoka nyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze kuti dzifundise varimi nzira kwadzo dzekurima zvichifambirana nekusanduka kwemamiriro ekunze kuitira kuti vasazorasikirwe negoho ravo.

Kusanduka kwemamiriro ekunze kunouya nenzira dzakadai sekuwandisa kana kushomeka kwemvura yemudenga, kupisa kana kutonhora kwakanyanya uye zvichiitika mukati memakore gumi kana kudarika.

 

Share This:

Sponsored Links