Kurima sweet peppers

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Kurima sweet peppers pepper

Kwayedza

Elizabeth Benjamin

KAMBANI yePrime Seed Co inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) nedzemafuro ezvipfuyo dzakasioyana-siyana. Inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro, aya anodaidzwa kuti mahybrids.

Mahybrids akanakira kuti anopa varimi goho repamusoro uye riri remhando inoyevedza (good quality) zvokuti mutengi achida kutenga pamusika, anotomhanyira iwo mahybrids.

Goho rinobva pambeu yemahybrids rinogara nguva yakareba risati rakanganisika. Izvi zvakanakira murimi nokuti kana miriwo yakawandisa pamusika, murimi anokwanisa kumbomira kutengesa goho rake zvichizomupa mukana wekutengesa kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti pese pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo, ngavatange vabvunza nezvehybrid yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanomhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dzakaderera pamutengo kudarika mahybrids. Varimi, zvakachipa zvinogona kuzokudhurira kumunda zvoda kufiritwa rusingaperi.

Muchinyorwa chino, tichakurukura nezvembeu yesweet peppers. Prime Seed Co inonzwa manyukunyuku nokuda kwembeu yemapeppers yavanotengesa. Kambani iyi ine mhando dzema sweet pepper dzinodadisa zvekuti varimi vane mukana wekusarudza yavanoda.

Vazhinji vanoziva magreen peppers, asi kune vamwe vanofarirawo mapeppers ane ruvara rutsvuku (red peppers) kana akakangavira kuita yellow peppers. Kune varimi vanotengesa muzvitoro zvakaita sanaFood Lovers mapeppers aya anodiwa akarongedzwa mumapakiti aanonzi “robot packet”. Kureva kuti mupakiti munenge mune pepper yegreen, imwe yered neimwe yeyellow. Izvi zvinoyevedza chaizvo.

Nhasi tichasarudza mbeu nhatu dzemapeppers dzatichataura nezvadzo. Mbeu idzi dzinoti Hercules, Solanor neSpringbok.

Hercules:

Pepper Hercules imhando yehybrid inotanga iri green yozosanduka kuita ruvara rutsvuku. Mbeu yeHercules inokwanisa kurimwa mumunda kana kuti mugreenhouse. Ine mashizha makuru ayo anopa mumvuri kumapeppers acho kuti asarohwa nezuva. Kana mapeppers akasara ari pamhene anorohwa nezuva zvekuti anochinja ruvara okanganisika zvekuti haazoyevedzi kuona kana kutengesa.

Nokudaro, vePrime Seed Co vanokurudzira varimi kuti vasarudze mhando ine mashizha akawanda uye anorembera nemativi achivharidzira mapeppers acho. Mapeppers eHercules anokura zvokuita 11 x 12cm. Kana akohwewa, anogara kwenguva ingasvika mavhiki matatu kana kudarika akangonaka. Apa ndipo pane musiyano wakakura kana tichiafananidza nemaOPV ayo anokasika kushata kana akohwewa.

Hercules inoibva mushure memazuva makumi masere kubva pakudyara (80 days). Hercules inoshingirira pakubatwa nezvirwere zvakaita seTobacco mosaic virus, Pepper yellow mosaic virus nePotato virus Y.

Solanor:

Pepper Solanor imhando yehybrid inotanga iri green yozosanduka ruvara kuita yellow. Inonyanya kurimwa mumunda asi inoita zvakare mugreenhouse. Mbiri yeSolanor iri pagoho guru uye kugara mazuva akawanda kana ichinge yakohwewa. Inokasika kuibva zvokuti kubva pakudyara kusvika pakuibva, inotora mazuva 75.

Mapeppers eSolanor anokura zvekuita 13 x 10cm uye inoshingirirawo pazvirwere sezvinongoitawo Hercules.

Springbok:

Pepper Springbok imhando yehybrid inotanga iri green paruvara, yozosanduka kuita yellow. Inonyanya kurimwa mumagreenhouse asi vamwe vanoirima mumunda ichingoita zvakanaka.

Springbok imhando inoramba ichikura (indeterminate type) nokudaro inoreba kudarika mamwe mapeppers ose. Inoibva mushure memazuva 70 kusvika 80. Mapeppers acho anoyevedza zvikuru nokuti anoita ruvara rweyellow yakanyanya kujeka.

Mapeppers acho anokura zvekuita 11 x 11cm uye inoshingirira pazvirwere zvakaita seTobacco mosaic virus, Tomato spotted wilt virus nePepper mild mottle virus.

Marimiro:

Mapeppers anokura zvakanaka muvhu rine pH ye6.0 – 6.5, anoda ivhu rakasununguka zvokuti mvura inofamba zvakanaka. Kana midzi yawo ikaramba yakany’ura pane mvura isingafambi zvakanaka, anotadza kuita nemazvo.

Tinokurudzira kushandisa fetireza yeCompound C pakudyara ingasvika 750 -1000kg/ha zvichienderana nevhu. Panongopera mavhiki maviri kubva pakudyara, varimi vanokurudzirwa kutanga kuisa Calcium Nitrate 35kg/ha vozoisa zvakare mushure memamwe mavhiki maviri oga-oga.

Mapeppers achienda achikura vanowedzera Calcium Nitrate kusvika pa45kg/ha. Potassium Nitrate inoiswawo 30-40kg/ha, pamwe chete neMagnesium Sulphate neBoron. Mafetireza aya anoiswa kana murimi achangopedza kuhohwa kuitira kuti mamwe mapeppers agokura zvakare.

pepper

Mapeppers anokwanisa kurimwa chero nguva ipi zvayo kune vaya vanorima mugreenhouse.

Kune vanorima mumunda, vanofanira kungwarira nguva yechando nekuti haameri zvakanaka kana kuchitonhora. Uye pollination iyo inoita kuti vana vatange kubereka haifambi zvakanaka kana kuchinyanya kutonhora zvepasi pe120C. Kana pollination isina kufamba zvakanaka panobuda mapeppers madiki anenge asina mhodzi mukati. Mapeppers asina mhodzi haaremi, nokudaro zvinoderedza goho.

Kana murimi akadyara mahybrid ekuPrime Seed Co zvakanaka, anokwanisa kuwana goho riri pakati pematani 90 kusvika 100 pahekita. Kana mahybrids arimwa mugreenhouse, anogona kuwana goho rinodarika matani 150 pahekita.

Pahekita imwe chete murimi anofanira kudyara mbesa dzingaita 25 000 kusvika 28 000. Varimi vanokurudzirwa kuti chirimwa chemapeppers kunyanya kana ari mahybrids anodawo kumisikidzwa nezvimuti netambo kuti asodonha. Zvakakosha kuti varimi vabvise masakatira kunyanya maruva asati atanga.

Pakudiridza mapeppers, drip irrigation ndiyo yakanyanya kunaka nokuti mvura hainyorovesi pamashizha izvo zvinoderedza zvirwere zvepamashizha uye nedrip mvura inoshandiswa nemazvo nechirimwa. Zvekudiridza mvura ichipfapfaidzwa nepamusoro pemapeppers (overhead irrigation) zvinogonawo kuitwa asi zvirwere zvemashizha zvinowanda. Madiridziro ekuyeredza mvura nepasi (flood irrigation) akanakawo pakuderedza zvirwere asi murimi anoshandisa mvura yakawanda.

Varimi vanokurudzirwa kumeresa mbeu yemapeppers panesi isati yadyarwa kumunda. Zvakakosha kuti murimi ashandise mbeu yakamereswa zvakanaka, uye isina zvirwere kuitira kuti igokura zvakanaka kumunda.

Kuti varimi vazive zvakawanda pamusoro pemapeppers kana dzimwe mbeu dzekuPrime Seed Co, batai madhumeni edu akatekeshera nenyika yose.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari!

Elizabeth Benjamin murimisi wePrime Seed Co. Munomubata panhare dzinoti 0731 432 590

Share This:

Sponsored Links