Kurimwa kwefodya kwosimudzirwa

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARIMI vefodya vanodarika 5 360 munyika vachabatsirikana zvikuru pasi pechirongwa cheHurumende cheUS$28 Million Tobacco Input Credit Scheme chekuti vakwanise kuwana mari yekutenga zvekushandisa mubasa ravo.

Vachitaura nevarimi vekudunhu reManicaland Province munguva pfupi yadarika, VaBlessing Dhokotera vanova technical service manager kukambani yeTobbacco Industry and Marketing Board (TIMB) vanoti zvakakosha kuti vose vachabatsirikana muchirongwa ichi vazodzosera mari yavanenge vakwereta kuitira kuti vakawanda varambe vachiwana rubatsiro urwu.

“Kuti vange vachipinda muchirongwa ichi, murimi anofanira kuva ave negore kana kudarika achirima fodya uye asina zvimwe zvikwereti kumashure,” vanodaro.

VaDhokotera vanoti varimi vakawanda vanotarisirwa kubatsirika zvikuru mumwaka unotevera pasi pechirongwa ichi.

“Chirongwa ichi chakavambwa neHurumende kuti chibatsire varimi vadiki uye hachisi chemahara asi kuti Hurumende iri kupa zvikwereti zvinofanira kudzorwa kuitira kuti mari yacho irambe ichitenderera,” vanodaro.

Hurumende yakatanga chirongwa chekubatsira varimi vadiki ichi zvichitevera matambudziko avanosangana nawo akadai sekunetseka kuwana mari yekutengesa feteraiza, mishonga nembeu.

 

Share This:

Sponsored Links