Kurimwa kwegorosi kwodzikira

21 Jun, 2014 - 16:06 0 Views
Kurimwa kwegorosi kwodzikira

Kwayedza

WHEAT_P1210892
SANGANO reZimbabwe Commercial Farmers Union rinoti kurimwa kwegorosi remuchando mwaka uno kunotarisirwa kudzikira zvikuru zvichitevera kubviswa kwakaitwa rubatsiro rwezvekurimisa zvaipihwa varimi nehurumende.

VaWonder Chabikwa vanova mukuru weZCFU vakati hurumende haina kubatsira varimi mwaka uno nezvekurimisa izvo zvakonzera kuti vakawanda vatadze kudzokera muminda zvakare.

“Varimi vegorosi mwaka uno vakatarisana nematambudziko makuru ekushaya zvekurimisa sezvo hurumende yakabuda pachena kuti haisi kuzokwanisa kuvabatsira nezvekurimisa sezvinogara zvichiitika makore ose,” vakadaro.

Vanoti rimwe dambudziko riri kusanganikwa naro nevarimi vegorosi kudzimwa-dzimwa kwemagetsi. Mutevedzeri wechipiri wesangano reZimbabwe Farmers Union (ZFU), VaBerean Mukwende, vakatsinhira kuti kushayikwa kwerubatsiro kuvarimi vegorosi kuchakonzera kudzikira zvikuru kurimwa kwechirimwa ichi.

Vanoti dai hurumende yavabatsirawo nezvekurimisa izvo vanozobhadhara kana vakohwa.
Mwaka uno munyika makarimwa mahekita ari pasi pe4 000  egorosi kana zvichienzaniswa ne29 000 ayo ange akatarisirwa.

“Mugore ra2012, varimi vegorosi  vakarima minda yakatandavara mahekita 3 700 zvinoreva kuti nyika ichaguma yave kushaya chirimwa ichi chinova chinodiwa zvikuru munyaya dzekubikwa kwechingwa nezvimwewo zvinhu zvakasiyana,” vakadaro VaMukwende.

Masangano aya ari kutsutsumwawo zvakare nekuda kwemutengo wegorosi  wakatarwa weUS$460 patani uyo anoti wakadzikira zvikuru.

“Pasina rubatsiro pakurima gorosi hapana chinofamba, varimi havambofa vakazvikwanisa zvinoreva kuti chirimwa ichi chichaguma chave kurega kurimwa nekuti kuti murimi arime hekita imwe chete yegorosi anoda mari inokwana US$1 200 zvinova zvakaoma kuti murimi awane mari iyi,” vakadaro.

Mwaka uno, nyika yaiva yakatarisirwa kurima mahekita 29 000 egorosi.
Zvakadai, Zimbabwe inonzi inoda matani 400 000 kusvika 450 000 pagore kuti zvinodiwa kugadzirwa nechirimwa ichi zvikwanirane.

Izvi zvinoreva kuti pamwedzi woga-woga nyika inoda matani 25 000 egorosi.

Share This:

Sponsored Links