Kurimwa kwembatatisi kwosimudzirwa

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
Kurimwa kwembatatisi kwosimudzirwa Rtd Chief Air Marshal Shiri

Kwayedza

Rutendo Rori
HURUMENDE inoti ine hurongwa hwekutsigira kurimwa kwembatatisi pasi pechirongwa cheCommand Agriculture nedonzvo rekuti munyika muve nechikafu chinokwanirana, gurukota rebazi rinoona nezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva – Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri – vanodaro.

Vachitaura apo vaimema mapurazi ekuHwedza nekuIgava kuMashonaland East, Rtd Chief Air Marshal Shiri vanoti kurimwa kwembatatisi kunobatsira munyaya dzekuti munyika muve nechikafu zvichitevera kudzikira kwegoho rechibage nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura mwaka uno.

“Tiri kuunza kurimwa kwembatatisi pasi pachirongwa cheCommand Agriculture, izvo zvichadzivirira nzara nekushomeka kwechikafu chinovaka muviri,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Gore rino, tiri kutarisira goho rakadzikira nekuda kwekushomeka kwemvura yekunaya munyika yose. Nekudaro, tinoda kuona kuti nyika yawana chikafu chinokwanirana nekuwedzera kurimwa kwembatatisi.”

Rtd Chief Air Marshal Shiri vanoti kurimwa kwembatatisi dzakawanda kunoita kuti Zimbabwe idzitengesewo kune dzimwe kunyika yozviwanira mari yekunze.
“Mbatatisi dzinogona kupa mari yakawanda yekunze,” vanodaro.

Hurumende ine hurongwa hwekutsigira kurimwa kwembatatisi pasi pechirongwa cheCommand Agriculture nedonzvo rekuti munyika muve nechikafu chinokwanirana.

“Zimbabwe yagara ichitenga mbatatisi kubva kune dzimwe nyika uye izvi zvinokwanisika kumiswa chete kana tikatsigira varimi vedu.

“Chirongwa cheCommand Agriculture chine chinangwa chekutsigira varimi kuitira kuti tisatenge chikafu chakawanda kubva kunze kwenyika. Kutenga chikafu kunze kwenyika hazvinyatsoita zvakanaka pachimiro chekusununguka kwedu senyika. Tose ngatitsigirei chirongwa ichi,” vanodaro.

Vanoti vanokurudzira varimi kuti vanyorese kurima gorosi pasi pechirongwa cheCommand Agriculture nekukasika kuitira kuti vadyare nenguva vagowana goho rakanaka.

“Tiri kukurudzira varimi kuti vadyare nguva ichiripo,” vanodaro Rtd Chief Air Marshal Shiri.
“Gore rino takakwanisa kupa zvekushandisa nguva ichiripo kune vari kurima pasi pechirongwa chekondirakiti.
Gore rino, tinoda kudyara mahekita 60 000 egorosi pasi pechirongwa cheCommand Agriculture uye vamwe vatinoshanda navo vakadai sePHI and Northern Farming vanoda kudyara mahekita 17 000.

“Kana tikadyara mahekita 70 000, chokwadi tinokwanisa kuwana goho rematani mashanu pahekita imwechete. Tinoda kuti chingwa chiwanikwe nyore sezvo chichidiwa mazuva ose,” vanodaro.

Vanoti vanovimbisa varimi kuti vachataura nebazi rezvemhando dzemoto nekusimudzirwa kwadzo kuitira kuti rigadzirise dambudziko rekushomeka kwemagetsi iro rakatarisana nevarimi vanoshandisa madiridziro munyika yose.
Rtd Chief Air Marshal Shiri vanoti Hurumende yakatenga matarakita ekurima kubva kuBrazil neBelarus.

“Takateerera zvichemo zvevarimi panyaya yematambudziko avaisangana nawo panguva yekurima tikatenga matarakita kubva kuBrazil neBelarus,” vanodaro.

“Parizvino tiri kuita hurukuro nekambani yeJohn Deere kuti vagadzire matarakita.
“Zvisinei, kunze kwekungomirira rubatsiro kubva kuHurumende, varimi vanofanira kuitawo chidanho chavo kuburikidza nekutenga midziyo yavo yekushandisa kuitira kuti vazowane rubatsiro muzvirongwa zveHurumende.

“Chirongwa cheCommand Agriculture chinokupai mukana wekusimudzira mapurazi enyu panyaya yemidziyo yezvekushandisa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links