Kurimwa kwemichero kosimudzirwa

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Kurimwa kwemichero kosimudzirwa

Kwayedza

HURUMENDE yakatanga chirongwa chekumutsiridza kurimwa kwemiriwo nemichero kuitira kuti zvinge zvichitengeswa kumisika yekunze kwenyika apo misika yakawanda iri kuratidza kuva nechido chekushanda neZimbabwe kutanga mumwaka wa2018/19.

Miriwo nemichero iri kunyanya kudiwa nevemisika yekunze inosanganisira mbambaira, mabhanana, makotopeya, maremani, maruva, sugar snaps, pizi, mhiripiri, baby marrow nezvimwe.

Vachitaura pazuva rekuparurwa kwechirongwa ichi nguva pfupi yadarika muguta reHarare, munyori mukuru kubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro – VaRingson Chitsiko – vanoti vatengi vekunze vakazvipira kutenga zvirimwa zvinobva muZimbabwe mumwaka wa2018/19.

Musangano uyu wakarongwa nebazi iri rakabatana nesangano reOakland Horticulture Consultancy rekuUnited Kingdom.

VaChitsiko vanoti bhizinesi rekurima michero nemiriwo rakakosha zvikuru mukupedza nzara uye zvimwe zvirwere izvo zvinonyuka nepamusaka pekushaiwa kudya kunovaka muviri uye rinobatsira zvikuru mukuunza mari yekunze pamwe nekumutsa mabasa.

“Bhizinesi iri rakakosha zvikuru uye rainyanya kufamba kumamakore ekuma1980s nekuma1990s richipa chikamu che3,5 – 4,5 percent cheGross Domestic Product (GDP). Indasitiri yemichero nemiriwo iri panhamba yepiri apo inoteverana neyefodya mukuunza mari yekunze. Kutengeswa kwemiriwo nemichero kunze kwenyika kwakasimukira zvakanyanya apo kwakaunza $3,5 miriyoni muna1986 ichizoenda pa$32 miriyoni muna1991 ikazoenderera mberi nekukwirira ichienda pa$143 miriyoni muna1999,” vanodaro.

Vanoti kusimukira kuri kuita bhizinesi iri kunokonzerwa nekubatana kwakaita zvikamu zvakadai seHorticultural Promotion Council, mitemo yakareruka inoona nezvekurimwa kwemichero nemiriwo nekuwanda kwemari mumisika inotenga zvirimwa izvi pakati pezvimwe.

“Muna2005, indasitiri iyi yakambosvika pakudonha kubva pa$742 miriyoni yezvaitengeswa kunze ichienda pa$440 miriyoni muna2009 nokudaro takaona kuti kumutsiridzwa kweindasitiri iyi kwakakosha zvikuru kuti nyika isimukire muupfumi hwayo, zvikuru sei mukuunza mari yekunze,” vanodaro.

VaChitsiko vanoti bazi ravo riri mushishi kugadzira mutemo unoona nezvekutengeswa kwezvipfuyo, michero nemiriwo senzira yekuti mabhizinesi aya ange achishanda zvakanaka.

Vamwe varimi vaive pamusangano uyu vanoti vanoda dzidziso izere kuti vange vachitengesawo zvirimwa nemichero yavo kunze kwenyika sezvo vazhinji vavo vachiri kuitira mabhizinesi avo muno chete.

Zvakadai, bazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro rinoti rakatovamba nzira yakanakira varimi kuti vange vachirerukirwa mukutengesa zvirimwa zvavo kunze apo vanopihwa magwaro anovapa mvumo yekuti vanotengesa kunze (export permit).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey