Kurimwa kwetsanga diki kwosimudzirwa

24 Nov, 2023 - 15:11 0 Views
Kurimwa kwetsanga diki kwosimudzirwa Mhunga

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE, sedzimwe nyika dzepasi rose, yakatarisana nematambudziko ekusanduka kwemamiriro ekunze izvo zviri kuona Hurumende ichishanda nemapoka akasiyana mukusimudzira kurimwa kwembesa dzetsanga diki nedonzvo rekuti munyika munge muine chikafu chinokwanirana.

Mapoka ari kushanda pamwe chete neHurumende mukusimudzira mabasa ekurima anosanganisira CARE International, Food Agriculture Organisation (FAO) neUSAID.

Senzira yekurwisa nzara nehurombo izvo zviri kukonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze, boka reFood, Agriculture and Natural Resources Analysis Network (FANRPAN) — rakabatana neZimbabwe Country Node Hosting Institution, Agriculture Research Council (ARC) uye CARE International — vari kuita zvirongwa zviri pasi peTakunda Program zvekutsigira varimi.

Zvirongwa izvi ndezvemakore mashanu apo donzvo nderekuona kuti veruzhinji vawaniswa kudya kwakakwana.

Charmaine Chitate anova communication and learning specialist kuCARE International anoti vanoshanda nevamwe vatsigiri vakadai seInternational Youth Foundation (IYF), FHI360, Nutrition Action Zimbabwe (NAZ), Bulawayo Projects Centre, Environmental Africa,  FANRPAN neICRISAT avo vari kukotsvera chirongwa ichi chiri kuitwa kuMasvingo (Chivi neZaka) uye Manicaland (Mutare neBuhera).

“Chirongwa cheTakunda chine donzvo rekutsigira mhuri dzinotambura nemabhindauko anoendeka, zvikuru sei mukurima mbesa dzetsanga diki dzinotirira mukusanduka kwemamiriro ekunze. Kurima kwemasutso, kuwanisa veruzhinji kudya kunovaka muviri, kunyanya avo vari kusangana nematambudziko ekuondoroka nekuda kwekushaya kudya kwakakwana,” anodaro.

Mbesa dzetsanga diki dzinosanganisira zviyo, mapfunde nemhunga.

Chitate anoti muchirongwa cheTakunda, vakaona zvakakosha kuti varimi vari munzvimbo idzi vavandudze kurima kwavo kuti vabure  mari zhinji kubva muzvirimwa zvavo, kusimudzira nyaya dzeutano nekuwanisa vana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa kudya kwakakwana.

“Chimwe chinangwa chikuru kufundisa varimi kutsvaga misika mikuru muno nekunze, kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi nekuchengetedzwa kwechikafu munyika,” anodaro.

Chitate anoti Hurumende iri kusimbaradza zvirongwa zvinoita kuti varimi vabure goho guru zvakadai sePfumvudza nezvimwe zvinobatsira mukuvandudzwa kwedanga renyika.

Share This:

Sponsored Links