Uncategorized

Kuroodza vana bodo!

29 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
Kuroodza vana bodo! Hon Chido Madiwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MASANGANO anomirira kodzero dzevanhukadzi anoti ibasa remunhu wose kurwisa kuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera uye kazhinji kacho izvi zviri kukonzerwa nedzimwe tsika pamwe chete nezvitendero zvemamwe makereke.

Izvi zvakabuda pamusangano wakarongwa neWomen’s Coalition of Zimbabwe yakabatana nemamwe mapoka anorwira kodzero dzevanasikana nguva pfupi yadarika muguta reHarare apo vainzvera zvikonzero zviri kuita kuti nyaya dzekuroodzwa kwepwere dziwande pamwe nematanho angatorwa kuti maitiro akadai aderere.

Nguva pfupi yadarika, pane mwanasikana ainzi Anna Machaya (15) – uyo akafa panguva yaaibara mushure mekunge aroodzwa kune murume mukuru anopinda chechi yeJohanne Marange.

Nyaya iyi ichiri kuenderera mberi kumatare edzimhosva uye vapari vemhosva, vanosanganisira murume waakange aroodzwa kwavari nevabereki vemushakabvu uyu, vakatosungwa.

Vachitaura pachirongwa ichi, Mai Rita Nyamupinga vanova muvambi wesangano reFemale Prisoners Support Trust vanoti mitemo inofanirwa kusimbaradzwa kuitira kuti vapari vemhosva dzerudzi urwu vatye kudzikoromora.

“Kumajeri kwatinoshanda nemadzimai, tiri kusangana nenyaya dzekuroodzwa kwevana asi chinorwadza ndechekuti kazhinji kacho tinowana ivo vanasikana vakambunyikidzwa nenzira yechibharo vava kupikira mhosva dzakadai sedzehumhondi mushure mekunge vauraya vana vacho kana kubvisa pamuviri. Pwere dziri kubvisa pamuviri zvakanyanya. Zvose izvi zvinobva mukuroodzwa kwevana uye vamwe vanofa,” vanodaro.

Mai Tinashe Chitunhu vanova legal officer kuMusasa Project vanoti kudai mitemo inoona nezvekuchengetedzwa kwevana yasimbaradzwa uye vapari vemhosva vapihwa zvirango zvakasimbarara.

Tinashe Chitunhu

“Pwere dzinenge dzaroodzwa dzine mikana yakawanda yekusangana nemhirizhonga sekurohwa, kutukwa, kushungurudzwa nenzira yepabonde, kushandiswa mabasa akaomarara uye matambudziko pakubara,” vanodaro.

Caroline Kache anova murongi kuWomen and Law in Southern Africa (WILSA) anoti nzara, hurombo uye kusaenda kuchikoro kwevamwe vanasikana ndizvo zvimwe zviri kukonzera kuti pwere dziroodzwe.

“Vanhu vari munharaunda vanoda kudzidziswa maringe nekuipa kwekuroodza vana. Haasi Anna Machaya bedzi akasangana nedambudziko iri asi vanasikana vakawanda, vamwe vatova nemhuri dzatokura. Asi nekuda kwekuti nyaya idzi dzava kufukunurwa nevatori venhau uye dzava kubuda pachena saka tinofara nazvo.

“Mitemo ngaive inofambirana nekuti tine mutemo unotaura kuti mwana ane makore 16 ekuberekwa anogona kubvuma bonde asi asingakwanisi kuroorwa nekuti kune mumwe mutemo unotaura kuti munhu anofanira kuroorwa pamakore 18. Kupokana kuri pakati pemitemo miviri iyi kunofanira kugadziriswa uye vamwe varume vanogona kutora mikana yekusungurudza vanasikana nenzira yebonde vachizongoti akabvuma nekuti ane makore 16,” anodaro.

VaTinashe Larry Mazani vanova legal officer kuGender Commission vanoti vari mushishi kuita ongororo maringe nenyaya dzekuroodzwa kwevana muZimbabwe kuti vaone kukura kwakaita dambudziko iri pamwe nematanho akakodzera mukurirwisa.

Cde Chido Madiwa vanomirira Mutasa North muNational Assembly uye vari zvekare sachigaro wekomiti inoona nezvekuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwevanhukadzi mudare iri vanoti kuroodzwa kwevana kutyorwa kwekodzero dzavo nekudaro panofanira kutorwa matanho anoendeka anoita kuti vachengetedzeke.

“Tinoda kubvisa dzimwe tsika dzechivanhu seyechimutsamapfihwa, kuripa ngozi nezvimwe zvitendero zvinoroodza vana nekuti pane zvose izvi pwere dzacho hadzina zvadzinowana kunze kwekushungurudzwa,” vanodaro.

Zvichakadaro, Mai Evernice Munando vanova sachigaro weWomen’s Coalition of Zimbabwe vanoti kune nyaya dzakawanda dzevana vakaroodzwa dzisati dzabuda pachena nekuda kwezvikonzero zvakasiyana nekudaro pachine basa guru rekuti paitwe ongororo vana ava vabatsirwe.

Share This:

Sponsored Links