Uncategorized

‘Kuroora’ mwana kwamupinza mumoto

25 Jun, 2018 - 14:06 0 Views
‘Kuroora’ mwana kwamupinza mumoto

Kwayedza

KUTIZIRWA nekasikana kasati kabva zera kwakapindukira mumwe murume wekwaSeke apo akadhonzerwa kumatare nemhosva yekupinda pabonde nepwere.Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Yeukai Chigodora, akati Gift Muroiwa (21) wepanhamba 33165 Unit A, adzoke kudare munguva pfupi inotevera apo kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi.

Muchichisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa15 Chikumi gore rino, mumhan’ari – uyo ane makore 14 ekuberekwa – anonzi akashanyira mukomana wake uyu kumba kwake munguva dzemanheru.

Vaviri ava vanonzi vakabva vashereketa kamwe chete asi vachibvumirana uye mwana uyu akabva arara kumba kwaMuroiwa usiku hwose.

Vanonzi vakabva vabvumirana kuti vagare vose semurume nemudzimai.

Muzuva rakatevera munguva dzemanheru, Muroiwa pamwe nemwana uyu vanonzi vakasangana naambuya vemumhan’ari vanova vakabva vavatora ndokuenda navo kukamba yemapurisa yekuZengeza zvikaita kuti murume uyu asungwe.

Mumhan’ari haasati avhenekwa nemachiremba.

Muroiwa ari kubvuma mhosva iyi achiti: “Yambiro yemhosva ndainzwisisa uye ndinoibvuma. Asi iye mumhan’ari ndiye akandiudza kuti ane makore 18 ekuberekwa.”

 

Muroiwa ari kutongwa nemhosva yekupinda pabonde nepwere pasi pechikamu chemutemo weHaving Sex with a Young Person C/S 70 of the Criminal Law and Codification Act Chapter 9:23.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey