Kuroorerana handi mhaka

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inorwadza zvikuru – nyaya yemukuwasha ari kuti akatorerwa imba namadzitezvara ake semuripo weroora remudzimai wake uyo akashaya asina kunge akabvisa pfuma yekumuroora.

Mukuwasha uyu anoti akamanikidzwa namadzitezvara ake kuti asaine magwaro emaafidhavhiti ekuratidza kuti abvuma kuvapa imba yake “pasina kumanikidzwa”. Asi mukuwasha uyu ari kuti akaita izvi nekutya kuramwirwa chitunha chemukadzi wake icho changa chisati chavigwa.

Iyi haisi nyaya yekutanga yatezvara nemukuwasha vanotadza kuwirirana nenyaya dzeroora.

Kune vamwe vanosvikira pakuramwira chitunha kumukuwasha apo mukadzi wake anenge afa asina kubvisa pfuma yeroora.

Asi pasi pemutemo wenyika ino imhosva kuramwirana chitunha kana kuda kubatirira mumwe munhu pachishandiswa mutumbi wemunhu.

Inga vakuru vanoti wafa wanaka wani! Nekudaro hazvina kukodzera kuti mweya wemufi utambudzwe kuburikidza nekunetsana kana kuramwidzana mutumbi wake. Vamwewo vanatezvara ndivo vanoviga mwanasikana wavo asi voramba kugova nhumbi dzake nechinangwa chekupfidzisa mukuwasha wavo kana asina kunge akapedza kuvaroorera.

Nyaya inenge iripo ndeyekuti mukuwasha kazhinji kacho hazviite kuti azogara nenhumbi dzemudzimai wake mushakabvu kwenguva refu dzisina kugovewa sezvo pachivanhu zvichinzi zvinounza mhepo yakaipa mumusha.

Kune dzimwe nyaya dzerudzi urwu dzinopedzisira dzasvitswa kumapurisa kuti vapindire chitunha chozovigwa.

Semaonero edu, itsika isina kunaka zvachose kuti vanhu vanomirira kuti munhu afe kuitira kuti vagozotora mukana wekupfidzisana.

Inga zvinonzi kuroorerana kuvamba hukama wani?

Tezvara vanofanira kugara vareva pfuma yavo mwanasikana wavo achiri mupenyu kwete kuzomirira musi werufu.

Hongu, kune vamwe vakuwasha nhinhi chaidzo vane katsika kekuramba vakaisa zvimiti munzeve apo tezvara vanenge vachitumira munyai vachida pfuma kana jeredzwa kumukuwasha.

Asiwo kazhinji kacho ukaona mukuwasha oomeserwa namadzitezvara panofa mudzimai wake, panenge pagara pasina kuwirirana.

Kune vamwe madzitezvara vanonyatsoziva kuti mukuwasha wavo murombo uye aigara zvakanaka nemwanasikana wavo zvekuti musi waanofa havambofunga kumuomesera, asi kutomubatsira kuti asaremerwe nemutoro wekuwirwa nerufu.  Saka zvakanakawo kuti mukuwasha aone kuti hukama hwake namadzitezvara hwagara hwakanaka.

Pane vamwewo vakuwasha vasingade kubvisa pfuma asi vanatezvara vachinyatsoziva kuti anokwanisa kuvapa roora ravo.

Kwete, iyi itsika isina kunaka zvachose, roora ngaribviswe.

Nerimwewo divi, zvakakosha kuziva kuti kufa kwemudzimai handipo paperera sarungano sezvo kazhinji kacho panenge paine vana vanenge vasara. Saka kuomeserana nekuramwirana chitunha zvinotokanganisa upenyu hwevana vanenge vasara. Senyaya yemukuwasha uyo anoti akatorerwa imba namadzitezvara nekuda kwekuti ange asina kubvisa pfuma, iye zvino asara asina pekugara. Kuroorerana haisi mhosva asi kuti kusora hukama pakati pemhuri yekwatezvara neyemukuwasha.

Share This:

Sponsored Links