KUROVA VANA IMHOSVA . . . ‘Kutyora kudzero dzavo’ . . .

17 Apr, 2019 - 15:04 0 Views
KUROVA VANA IMHOSVA . . . ‘Kutyora kudzero dzavo’ . . . Chief Justice Malaba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUTONGO wakapihwa nedare reConstitutional Court nguva pfupi yadarika uyo unorambidza kurohwa kwevechidiki zviri pamutemo sechirango mushure mukunge vapara mhosva dzakasiyana wokonzera mitauro apo vamwe vari kuutsigira asi vamwe vachinyunyuta.

Chief Justice Luke Malaba – vachibatsirana nevamwe vatongi vasere vedare iri – vakabvisa chikamu chemutemo weSection 353 of the Criminal Procedure and Evidence Act, icho chaitendera kurohwa kwevechidiki sechirango mushure mekunge vabatwa nemhosva kumatare.

Mutongo uyu unotevera nyaya yemukomana ane makore 15 okuberekwa uyo akakwidza chikumbiro kudare iri achipikisana nemutongo waainge apihwa nedare repasi wekuti arohwe shamhu nhanhatu nekuda kwemhosva yekubata chibharo kasikana kane makore 14 okuberekwa.

Pakutura mutongo uyu, Chief Justice Malaba vanoti mutemo unobvumira kurohwa kwevechidiki sechirango unopikisana nezviri mubumbiro remutemo maringe nekuchengetedzwa kwekodzero dzavo.

Mutongo uyu unoreva kuti vana havachatenderwa kurohwa – kungave kuchikoro kana kuti nevabereki vavo.

Svondo rino, Kwayedza yaita hurukuro nevanhu vakasiyana avo vanopa mafungiro avo zvichitevera mutongo uyu.

Bazil Antonio (32) wekuMbare Flats, muHarare, anoti vana havafanire kurohwa zvachose, kunyanya muzvikoro nekuti zvinoita kuti vapedzisire votya kudzidza.

“Kana mwana akagara achirohwa, anogara aine kutya muhana make izvo zvinomuvhiringa mukudzidza kwake. Kungopinda mukirasi uchiwana murairidzi akabata shamhu kunoita kuti ufunge kuti zuva haridoki isina kumhara pauri,” anodaro.

Tinotenda Musevenzo (19) wekuMbare kwakare anopokana nazvo achiti vana ngavarohwe kuitira kuti misikanzwa iite mishoma.

“Kune vamwe vana nhinhi zvekuti kana vakasarohwa, ticha anopinda panguva yakaoma nekudhererwa saka pakupedzisira vana vanodofora,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Zero percent pass rate yakaitwa nezvimwe zvikoro pabvunzo dzegore rapera inokonzerwa nekudherera maticha uye kusarohwa. Munoti kana munhu asingatereri vabereki vake kumba ticha anozomugona here?”

VaCecil Chiweshe (32) vanotsinhirawo vachiti vana ngavarohwe kana vachiita misikanzwa.

“Vana ivavo vasingarohwe ndivo vanotakura misikanzwa yavo kubva kudzimba kwavanoyemedzwa vachienda nayo kuchikoro kunofurira vamwe. Saka panofanira kupihwa mutongo wekuti vana vangarangwa zvakadii asi zviri nyore kwete zvekuzoponda,” vanodaro.

Kuchiti VaDesmond Bafu (30) vekuMbare vanotiwo vana vanofanira kurangwa kuburikidza nekurohwa zvakafanira asi kwete nemawoko kana matanda.

“Inga Alick Macheso akaimba wani kuti vabereki ngatiregei kurerera vana vedu muzvipunu kuvaita seshuga nekuti vanodawo gwara. Kuranga vana hakurevi kuti kurova zuva nezuva asi kuti vanopihwa dzidziso neyambiro.

“Asi, kana vakazvidzokorora, shamu inofanirawo kushandiswa sezvinotaurwa neBhaibheri,” vanodaro VaBafu.

Vavirai Mahachi (20) wekuBudiriro, muHarare, anoti vana ngavarohwe kuti nyika ibure vanhu vakarongeka.

Mai Dadirai Mashanda (38) vanoti Bhaibheri chairo rinotaura kuti vana ngavarangwe neshamhu pamberi pevamwe vavo kuti vagotya kutadza.

“Vana kana vakaziva kuti hatirohwe vanotosvika pakushungurudza, vopara mhosva,” vanodaro.

Kuchitiwo Mai Criyona Muyengwa (39) vanoti zvinoenderana nemaroverwo anoitwa vana.

“Kune mamwe maticha vanorova vana zvekuti kana iwe mubereki ukaenda kunobvunza unotoona mwana ave kusangana nerusarura apo maticha ose anenge oti haadzidzisike uye haarohwi saka ngatimusiyei. Mwana anopedzisira ave kufoiriswa.”

“Chokwadi ndechekuti vana vari kurohwa muzvikoro asi vabereki vanotya kumhan’ara nekuti vanenge vachityira kuti vana vanozoitirwa utsinye,” vanodaro.

Mutungamiriri wesangano rinomiririra varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure vanoti gakava rekurohwa kwevana muzvikoro richiri kuenderera mberi pachiedza kuonekwa kuti vana vangarangwe sei.

“Tinoda zvikuru kuona zvinhu zvakakoshera nyika neraramo yevadzidzi nekuti kurohwa kwevana muzvikoro kunoreva kutyorwa kwekodzero dzavo, kuvashungurudza. Asi, kuva nehunhu kwevana kunobvira kumba kwavanobva kuchienda muzvikoro. Saka panoda mushandirapamwe wevabareki nevarairidzi kuti vana vave negwara rakanaka,” vanodaro.

Vanoti kune zvimwe zvirango zvisiri zvekurova izvo zvinogona kubatsira mukupingudza vana kana vachinge vatadza sekuvapa mabasa epachikoro sechirango. Asi vanoti izvi zvinenge zvichida kutariswa kuti zvakakodzera here nemazera avo uyewo nekuvapanga mazano.

Zvichakadai, vamwe vana vepachikoro chebhodhingi chinodzidzwa nevasikana bedzi – cheMonte Cassino Girls High chiri kuMacheke – vanoti vange vachimbunyikidzwa nenzira yebonde nevamwe varairidzi vepo zvikaita kuti varatidzire apo vakafamba netsoka kubva kuchikoro kunosvika kukamba yemapurisa eko.

Kumbunyikidzwa uku kunonzi kwaisanganisira kurohwa nezvimwe, zvikuru avo vanenge vasina kubvisa mari dzezvidzidzo zvepanguva yezororo zvemaetra-lessons.

Chikoro ichi ndecheRoman Catholic uye chinowanzowanikwa pakati pezvikoro gumi zvine vana vanopasa muZimbabwe chichitsigirwa nePrecious Blood Sisters neThe Benedictines.

Zvinonzi varairidzi vepachikoro apa vaimbosarudza kugadzirisa nyaya idzi muchihwande pasina kuzivisa mapurisa kusvika vana ava vazonomhan’ara voga kumapurisa.

Vana vanonzi vari kushungurudzwa pachikoro apa vanosvika 150.

Nguva yadarika, vana ava vakaratidzira nekufora mumugwagwa vachienda kuMacheke Police Station chinova chinhambwe chemakiromita matanhatu vachinomhan’ara nyaya dzekurohwa, kutukirirwa pamwe nekupihwa kudya kusina kunaka pachikoro apa, pakati pedzimwe.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya iyi iri kuongororwa nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari kuti paonekwe kuti pane mhosva dzakaparwa here.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey