Uncategorized

Kurwerwa rute kwerufu rwecorona

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
NDIRI kunzwa nyaya dzakawanda pamusoro peCorona. Ndiri kuona zvinhu zvakawanda zviri kuitika nezviri kuitwa nevanhu nekuda kweCorona. Ndakanzwa panhau President Mnangagwa vachirambidza huwandu hwevari kuungana. Kana tasvika patasvika senyika, dai tambomira kuita nharo tichiti, “manje ini handirege kuita zvandinoda.”

Nguva yatiri yave kuda kuti tizive kuti zvizhinji zvatinoda kuita zvaticharambidzwa kuita. Asi tiri kunyatsoteerera here? Tiri kunyatsonzwisisa here huipi hwedenda rativinga? Nemhaka yei vazhinji vedu tisiri kutirimuka?

Nemusi weChipiri ndakanga ndiri mudhorobha reHarare ndichichingura mwana wangu wechikoro. Ini handisi kutya Corona, asi ndiri kutyira vanhu nekuda kwezvandakaona musi weChipiri.

Ndiri panosvikira mabhazi ekuchikoro kwemwana wangu, ndakaona vanhu vakawanda vakanga vachipinda muHarare. Vakanga vachipinda nemota diki, nemakombi, nemaOpen Truck nemarori. Zvakanga zvichiita sekuti chikuru kuenda, asi kuenda kunogona kutiparira zvekupedzisira taparara kana kusara tati tapatapa tiri muParirenyatwa.

Ndiri pandakanga ndiri, pakabva pamira mota diki inenge Honda Fit yakanga yakazvimbirwa nevanhu. Mota iye yakatanga kuburutsa vanhu. Kumashure kwayo kwakabuda vamwe amai vakanga vafinyamisa kumeso zvinoratidza kuti vakanga vasina kugara zvakanaka mumota mavakanga vabuda.

Amai vaye vakakamhinha vachibva vanomira padivi pekaFit kaye. Mushure namai vekufinyama, makabuda vamwe mai vechikuru vakanga vakachenuruka kumeso nekuda kweMake-up. Mushure mavo makabva mabuda vamwe baba. Wekupedzisira kubuda aive mumwe mukadzi mukobvu akanga achitsenga bhabhurigamu.

Vanhu vakanga vari pachigaro chekumashure vakanga vari 4. Kumberi kwakabuda vamwe amai vakanga vakabata chitauro chegirini chavaibvisisa dzihwa.

Ndakatura befu rekupererwa.

Kufema nekufemerana munzvimbo dzakamanikidzika kunoita kuti corona itapukire kune vamwe. Vanhu vakabuda mukamota aka vakanga vakawandisa, uye vasina mukaha wakakwana pakati pavo.

Ndakapishana pfungwa pamusoro pevanhu vashanu vakanga vabuda mukaHonda Fit. Kutsindirana kwavakanga vakaita kwakanga kwakafanana nekutsindirwa kunoitwa hembe dzemubhero. Pakadaro corona inopururudza.

Asi vanhu vaye vemukaFit vachingobva, pakabva pasvika kombi yaive nevakomana vatatu vakamira kumashure vakatsika paBumper. Mukombi umu makaburuka mukomana nemusikana wake. Mukomana nemusikana ava vakanga vakapfeka maMask kuvhara mhuno nemiromo.

Vave panze, vakambogadzirisa maMask avo, vachibva vabatana maoko vachiyambuka mugwagwa. Asi kubatana maoko hakuna dziviriro nekuti corona iri kusarira pamaoko nepambatya.

Kugarisana kwevanhu mumabhazi netumishikashika kuzvisasika. Tinotsamirana, tinobatirira pambobatwa nevamwe, tinotambidzana mari nekugara takabata mafoni edu. Mabhazi nemota dzinotakura vanhu dzinoda kufiritwa kuparadza hutachiona hweCorona.

Chinonetsa nemota dzinotakura ndechekuti munhu wemota ari kutsvaga mari, uye ari kutakurwa ari kuda kuenda. Muridzi wemota haana basa nekuchengetedzeka kwehupenyu hwevanhu. Vanoona nezvekutakurwa kwevanhu pakufamba vakanyarara zvavo kuti zii sekunonzi hapana chiri kuitika.

Asi chimwe chichativhiringidza neCorona iyi inyaya yekuda kudya pese-pese. Ndirimo mukati meHarare ndakaona murume wechidiki akanga achifamba achidya chibage. Ndichingobva paari, ndakabva ndaona vanhu vanotengesa mavise vachicheka-cheka mavise vachibva vaaputira mumapurasitiki kuitira vanoda kuatenga.

Vanhu vanotengesera pamugwagwa ava havafanire kutengesa chikafu chinochekwa semavise. Havana mvura yekugeza maoko, havana chimbuzi chekuenda kana voda kuzvibatsira. Vamwe vavo vanofura dzihwa nemaoko kana kuti nezvimicheka zvinopedzisira zvatota kuti chakwata nedzihwa.

Share This:

Sponsored Links