Kurwisa Covid  nechivanhu 

07 Sep, 2021 - 13:09 0 Views
Kurwisa Covid   nechivanhu  VaEric Gbdossosu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka  

SANGANO rePrometra rakabatana nechikamu chinoona nezvemishonga yechivanhu kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, cheTraditional Medical Practitioner’s Council (TMPTC), mukunzvera nezvemishonga yechivanhu kuti iongororwe kana ichikodzera kushandiswa mukurwisa chirwere cheCovid-19, pakati pezvimwe zvirwere.  

VaEric Gbdossosu, avo vanova mutungamiriri wePrometra, vanoti musi wa31 Nyamavhuvhu gore negore, sangano reWorld Health Organisation (WHO) rinocherechedza kukosha kwezuva reAfrican Traditional Medicine Day zvinovapa simba rekuti vaite ongororo pamusoro pemishonga yechivanhu, zvikuru vakanangana nekurwisa Covid-19.  

Vachitaura pachirongwa chavakaita muHarare svondo rapfuura, VaGbdossosu vanoti chirwere ichi chakanganisa upenyu hwevanhu zvikuru.  

“Chirongwa chino ndechechi19 uye tiri kuchiita pasi pedingindira rinoti, ‘Mikana Yekurwisa Denda ReCovid-19 Nemishonga yeChivanhu muAfrica’.  

“Chirwere cheCovid-19 chakanganisa munhu wose pasi rose, chikaderedzawo hurongwa hwezvemabasa ebudiriro uye vanhu vazhinji vari kubaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri rinova danho guru ratinotambira kuti tichengetedze upenyu. Nekune rumwe rutivi, vanhu vari kutora zvekare mishonga yechivanhu asi tinokurudzira kuti itange yaongororwa kuitira kuti isakanganise utano hwavo.   

“Sangano reWHO rakaona kuti chikamu che80 percent chevanhu vari munyika dziri mudunhu reSouth Saharan Africa vari kutanga vatsvaga rubastiro rwekurapwa kuchivanhu vasati vaenda kuzvipatara,” vanodaro.  

VaGbdossosu vanoti mishonga yechivanhu kana isati yaitwa ongororo kuti ionekwe kushanda kwayo inonetsa kuishandisa.  

Vanoti zvakare zvakakosha kuti varapi vechivanhu vawaniswe dzidziso izere kuti vakwanise kukushawo mashoko echenjedzo pamusoro pechirwere ichi sezvo kunzvimbo dzavanorapira kuri iko kunosvikira varwere vakawanda.  

“Ndinokurudzira nyanzvi dzesainzi dziri munyika dzakasiyana kuti vaite ongororo yakasimba maringe nekushandiswa kwemishonga yechivanhu mukurwisa Covid-19. Hongu, mishonga mizhinji iri muzvipatara inobva mumakwenzi, asi ongororo yakakosha kuti tikwanise kuchengetedza upenyu uye kana ichinge yabudirira tinovimba veruzhinji vanobatsirikana nokuti makwenzi akawanda haana hukasha hwakanyanya (side effects) uye varwere vanoafarira,” vanodaro.  

VaHeaven Munyengeterwa, avo vanova sachigaro wePrometra Zimbabwe International, vanoti vari kushanda nevarapi vechivanhu vachivakurudzira kuti vauye nemishonga yavo iongororwe.  

“Tiri kushanda nemasangano evarapi vechivanhu tichikurudzira varapi kuti vaunze mishonga yavo kuti ivhenekwe. Izvi zvinobatsira mukuvasimudzira mubasa ravo pamwe nekuona kuti utano hweruzhinji hwachengetedzwa,” vanodaro.  

Vanoenderera mberi: “Mishonga yechivanhu yakakosha zvikuru nekuti inowanikwa muno ichigadzirwa nevagari vemuno uye inotambirwa zvikuru nevanhu vatema nekuti ndicho chivanhu chedu. Asi, inofanira kushandiswa zvine hungwaru kusanganisira zvipimo zvakafanira uye kuzivikanwa kuti zvii zviri mairi.   

“Zvimwe chetezvo muzvirwere zvitsva seCovid-19, ongororo inofanira kuitwa kuti tiyambuke sezvakangoitwawo pamajekiseni ekudzivirira chirwere ichi.”   

Vanokurudzira varapi vechivanhu kuti vazvichengetedze kubva mukutapurirwa kana kutapurira chirwere cheCovid-19 pakati pevarapwa vavo apo vanenge vachivabatsira.  

Varapi vechivanhu vakabva kunzvimbo dzakasiyana vaiva pachirongwa ichi uye vakawanawo mikana yekuratidzira mishonga yavo.  

Mai Constance Makomo vanova nhengo yeZinatha vanoti vari kuita basa ravo vachitevedza matanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19.  

“Vamwe vandinorapa ndinongovaudza zvekuita panhare kuitira kuti vasauya kumba nekuti chirwere ichi hachidi zvekuungana. Kune vamwe varapi vanokoshesa mari pachinzvimbo cheutano hwevanhu nekudaro vane mikana yekusungwa pasi pemutemo unoona nezvevarapi vasingatevedzere mitemo weTraditional Medical Practioner’s Council Act.  

Mimwe mishonga yechivanhu iri kushandiswa nevamwe mukurwisa Covid-19 inosanganisira mashizha emugwavha, maremani nezumbani. 

Share This:

Sponsored Links