‘Kurwisa kushanduka kwemamiriro ekunze zvinoda kubatana’  

30 Nov, 2024 - 15:11 0 Views
‘Kurwisa kushanduka kwemamiriro ekunze zvinoda kubatana’   Tafadzwa Shumba

Muchaneta Chimuka

KUSANDUKA kwemamiriro ekunze kuri kutambudza nyika pasi rose nekudaro zvakakosha kuti dzibatane mukurwisa dambudziko iri iro riri kudzosera kumashure budiriro munyaya dzezvehupfumi.

Mashoko aya akabuda pamusangano wakaitwa nebazi rinoona nezvenharaunda, mamiriro ekunze  nekuchengetedzwa kwemhuka wekudzidzisa vatori venhau pamusoro pekunyora zvakadzama maringe nekusanduka kwemamiriro ekunze uyo wakaitirwa muguta reHarare svondo rapera.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaTafadzwa Shumba vanova planning monitoring and evaluation advisor kusangano reSNV Impact Matter vanoti kusanduka kwemamiriro ekunze kuri kutambudza pasi rose uye ichi ndicho chikonzero gore negore nyika dzinoisa misoro pamwechete mukunzvera maringe nenyaya iyi.

“Gore rino, musangano weCop 29 of the United Nations Climate Change Conference (UNFCCC) wakaitirwa kuBaku, Azerbaijan kubva nomusi wa11 – 24 Mbudzi uye  wakapindwa nenyika 200. Misangano yemhando iyi inopindwa nevanhu vanodarika 70 000 avo vanosanganisira vatungamiriri venyika dzinova nhengo dzeUNFCCC,” vanodaro.

VaShumba vanoti chinangwa chikuru ndechekubatsirana nemazano nevanhu vari panyatwa yekukanganiswa nekusanduka kwemamiriro ekunze kuti patsvagwe nzira dzekurwisa kusanduka uku zvichiita kuti raramo yavo irambe ichienderera mberi.

“Zvinangwa zvegore ra2050 ndezvekuona kuti kusvika mugore iri nyika dzabudirira mukupedza dambudziko rekusvibiswa kwemhepo yemuchadenga inova inokonzera kusanduka kwemiriro ekunze uko kunovapo nezviratidzo zvakadai sekupisa kwakanyanya, kutonhora kwakanyanya, dutu remhepo kana mvura yakawandisa. Musangano weCop 29 waiva nedonzvo rekuona zvekare kuti nyika dzichiri kusimukira dzatsigirwa nemari inosvika US$300 bhiriyoni pagore kusvika mugore ra2035 kana zvichienzaniswa neUS$100 bhiriyoni iyo vakanga vari kuwaniswa pagore munguva yadarika. Mari iyi inenge ichishandiswa mumabasa ane chekuita nekurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze,” vanodaro.

Vanoti zvimwe zvinangwa zvinoendeka zvemaSustainable Development Goals (2015 – 30),  izvo zvinotarisirwa kuzadzikiswa nenyika, zvinosanganisira nyaya dzekuderedza nzara nehurombo kuburikidza nekurima kwakanaka kusingakanganisi nharaunda.

“Varimi vanofanira kudzidziswa kurima kwakanaka kwakadai sekuregedza kushandisa mishonga kana fetiraiza ine huturu sezvo izvi zvichikanganisa mamiriro ekunze. Tinokurudzira zvekare varimi kuti vadzidze kukohwa mvura iyo vanozoshandisa munguva yekuomerwa,” vanodaro.

Mai Sharon Zvavanoda vanova nyanzvi inoona nezvevakaremara mitezo (disability specialist) vanoti nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze dzinoshungurudza zvikuru vanhu vakaremara.

“Vanhu vakaremara vagara vaine matambudziko gumi nefararira akavakomberedza uye vazhinji vavo vanopona nemabasa ekutengesa nekurima nokudaro kana mvura ichinge yakundikana kuturuka vanoomerwa zvikuru zvekuti vakawanda vavo vanenge vava kupona nekupemha,” vanodaro.

Vanokurudzira vanhu vakaremara kuti vaumbe mapoka ekurima uye kuita zvirongwa zvekufusha zvimwe zvirimwa izvo vanogona kuzotengesa kana kushandisa munguva yekuomerwa.

Musangano we2025 UN Climate Change Conference (UNFCCC COP 30) uchaitwa kuBelém, kunyika yeBrazil munaMbudzi gore rinouya.

Share This:

Sponsored Links