Kurwisa zvirwere zvisingazadzanwe

19 Jan, 2023 - 10:01 0 Views
Kurwisa zvirwere zvisingazadzanwe Dr Alex Gasasira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE iri kutsigira chirongwa che2nd African Regional Non-Communicable Diseases (NCDs) Conference kuVictoria Falls chakatanga neChina chadarika chiri maringe nekurwisa zvirwere zvisina zviratidzo uye zvisingatapurirznwe zvakadai sechemoyo, gomarara, shuga, zvirwere zvepfungwa nekuoma mitezo, pakati pezvimwe.

Musangano uyu wakaitwa pasi pedingindira rinoti: “Kudzivirira Zvirwere Zvisingatapuriranwe, Ongororo Nekurapwa Kuti Tizadzikise Zvinangwa ZvemaSDG 3 Takatarisa Denda reCovid-19 Nemamwe Matambudziko Anoda Rubatsiro Rwechimbi-chimbi”.

Chinangwa chikuru chemusangano uyu ndechekugoverana mashoko maringe nekurwisa zvirwere zvisingatapuriranwe uye zvisina zviratidzo.

Gore rino, musangano uyu wakarongwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana rakabatana nemasangano anosanganisira World Health Organization (WHO), World Non-Communicable Diseases Federation African Region, Clinton Health Initiative (CHAI), Midlands State University neUnited Nations Children’s Funds (Unicef).

Nyika nomwe dziri muAfrica dzakapindawo mumusangano uyu nevatsigiri vari munyaya dzezveutano vakadai senyanzvi dzedzidzo dzekumayunivhesiti.

Dr John Mangwiro vanova mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana vanoti chinangwa chemusangano uyu ndechekunzvera nyaya dzezvirwere zvisina zviratidzo uye zvisingatapuriranwe kuti nyika dzibatsirikane mukuzvirwisa.

“Tinoda kuti hunyanzvi hwese hwatinenge tabura muchirongwa chino hunge huchiiswa muchirongwa cheNational Health Strategy 2020-2025. Musangano uyu, uchaita kuti isu senyika tidzidze hunyanzvi kubva kune dzimwe nyika zvinobatsira mukusimudzira nyaya dzeutano. Tichaumba gwaro rinodaidzwa kuti WHO Package of Essential NCD interventions for primary health care in low-resource settings (WHO PEN),” vanodaro.

Dr Mangwiro vanoti zvirwere zvisina zviratidzo zvakakonzera ndufu dzine chikamu che67 percent munyika mugore ra2019 hunowa huwandu hwakawedzera kubva pachikamu che24 percent muna2000.

Professor Davison Munodawafa vanova World Non-Communicable Diseases Federation Coordinator vanotiwo kurwisa zvirwere zvemhando iyi kwakadzoserwa kumashure apo pakanyuka denda reCovid-19.

“Kunyuka kwechirwere cheCovid-19 ndiko kwakaita kuti ndufu idzi dziwedzere sezvo vamwe varwere vaikundikana kuenda kunobatsirwa kuzvipatara panguva yekumbomiswa kufamba kweveruzhinji senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi (Covid-19 Induced Lockdown),” vanodaro.

Prof Munodawafa vanoenderera mberi vachiti: “Takadzidza zvakawanda munguva yelockdown izvo tinoda kugadzirisa kuitira kuti varwere vabatsirikane kunyangwe kana pakazonyuka mamwe matambudziko erudzi urwu. Tinoda kuti tirwise zvirwere zvisina zviratidzo kuburikidza neongororo uye kuwanisa zvikwanisiro kuitira kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvebudiriro inoendeka zvemaSustainable Development Goal 3 ne4.”

Dr Alex Gasasira, avo vanova mumiririri weWorld Health Organization muno, vanoti ruzivo rwunokosha mukurwisa zvirwere.

“Zvakakosha kuti varapi, vadzidzi nenyanzvi dziri muzvikamu zvenyaya dzezveutano vagare pasi vachipanana mazano anobatsira mukusimudzira utano hwenyika. Kuti nyika ibudirire, hunge iine vanhu vatano.

“Tinoda kusimbaradza nyaya dzekuongororwa kwezvirwere, kudzivirirwa uye kurapwa kuti tikunde hondo yehosha dzisina zviratidzo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links