Kurwiswa kweCovid-19 kwosimbaradzwa  

29 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
Kurwiswa kweCovid-19 kwosimbaradzwa   Dr Mahomva

Kwayedza

Thupeyo Muleya 

KUVHENEKWA kwechirwere cheCovid-19 kuvanhu vari kupinda muZimbabwe vachibva kunze – zvikuru vari kubva kunyika dziri kumuganhu kudivi rekuchamhembe nekumavirira – kwosimbaradzwa uye izvi zvinotevera kunyuka kwehutachiona hutsva hwedenda iri kuSouth Africa neBotswana.

Hutachiona uhu, uho huri kuzivikanwa nekunzi Omicron uye hunove hwechishanu pamhando dzehutachiona dziri kushungurudza sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO), hwaona vanhu vari mudunhu reSouthern African vachinzi vambomira kushanyira dzimwe nyika, zvikuru dziri kumadokero kumhiri kwemakungwa.

Kunze kweUnited States – kubva neMuvhuro – uye neEuropean Union kubva svondo radarika, Britain, Australia, United Arab Emirates, Japan, India nedzimwe nyika vakazivisa pamusoro pekusatenderwa kushanya kana kuti kutorerwa matanho akasimba kwevanhu vanenge vachibva kuSouth Africa, Zimbabwe, Eswatini, Lesotho, Namibia, Mozambique, Malawi, Angola neBotswana zvichitevera kuwanikwa kwakaitwa hutachiona hwemhando yeOmicron nanamazvikokota vezvesainzi kuSouth Africa.

Hutachiona uhu pari zvino huri kunyuka kunyika dzakasiyana-siyana zvichitevera ongororo iri kuitwa nenyanzvi dzezveutano.

Vakuru-vakuru vezveutano kuMatabeleland South vanoti vasimbaradza zvirongwa zvekuvheneka vanhu vanobuda nekupinda munyika nekumuganhu wePlumtree neBeitbridge.

Dr Rudo Chikodzore vanove Matabeleland South Provincial Medical Director (PMD) vanoti vashandi vezveutano vekumiganhu yenyika vari kushanda vakangwarira zvikuru zvichitevera kunyuka kwehutachiona hutsva uhu.

“Tasimbaradza chirongwa chedu chekuvheneka hutachiona hweCovid-19 kumiganhu uko vanhu vanopinda nekubuda munyika. Tinofanirwa kunzwisisa mamiriro ezvinhu aya maringe nenjodzi inogona kuvepo,” vanodaro.

 Kunze kwekuongororwa chirwere ichi, vashanyi kana zvizvarwa zvemunyika muno vanenge vachidzoka kubva kunze, vanofanirwa kuve nemagwaro ePCR Covid-19 anotaridza kuti vakavhenekwa denda iri mukati memaawa 48.

Botswana neZimbabwe dzine miganhu mina inoti Plumtree, Mpoengs, Maitengwe neMlambapele asi muganhu wePlumtree ndiwo wakavhurwa kuitira vanoda kupinda nekubuda munyika mbiri idzi.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, vanoti, “Tiri kuenderera mberi nekuona kuti tasimbaradza matanho edu kuitira kuti pasave nekunyuka kwedenda iri kechina (fourth wave) uye tikadaro, mamiriro ezvinhu haazonyanya kuipa sepakanyuka chikamu chechitatu (third wave). Pane budiriro huru yavepo. Kuvhenekwa kwechirwere cheCovid-19 pakutanga  kwaiitwa pachidanho chenyika asi pari zvino kwave kuitwa mumadistricts ose ari 52.”

Vice President Dr Constantino Chiwenga, avo vanove zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, vanotsinhira kusimbaradzwa kwematanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi kumiganhu yose yenyika ino.

“Ongororo yekupinda nekubuda kwevanhu kumiganhu iri kusimbaradzwa nechinangwa chekudzivirira hutachiona hutsva uhu kuti husapinde munyika,” vanodaro VP Chiwenga.

Dr Maxwell Hove vanove chief director kubazi rezveutano nekurerwa kwevana vanoti madhorobha ari kumiganhu yenyika ari panjodzi huru maringe nenyaya yekupararira kwehutachiona hutsva hweCovid-19 nekuda kwekuwanda kwevanhu vanopinda nekubuda vachihodha zvinhu zvakasiyana-siyana zvekutengesa.

Vanoti kubaiwa nhomba dzekudzivirira denda iri kuvanhu vari munzvimbo dzakadai, kunobatsira zvikuru kuchengetedza vari munharaunda uye nekusimudzira mabasa ehupfumi hwenyika kumadhorobha aya.

Share This:

Sponsored Links