Kusagona kupfimba here?

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MAKADII henyu Tete Chipangamazano? Dambudziko rangu tete rakamira sekudai:

Ndiri mukomana ane makore 22 okuzvarwa. Handisati ndambopfimba musikana akandidawo, zvekuti nanhasi ndichitori jaya.

Nditoriwo mukomana anoyemurika uye vabereki wangu vatomboyedza kufambawo neni, dzimwe nguva kutondivigira vasikana asi zviri kuramba. Ndoitawo sei nhai tete?

Isheunesu Bhunu.

Karoi.

MHINDURO:

Dambudziko rako muzukuru rinosanganikwa naro nevakomana kana nevasikana vakawanda.

Zvinoitika mukukura kwevanhu mumadzinza, vamwe vanosevenzesa mishonga yekuti kana ari mwanakomana haaroore kana ari mwanasikana haaroorwi.

Vanenge vakateketera, vamwe vanoshandisa mari voiteketera vokupa kuti utengerwe chinhu chekudya zvakaita sezviwitsi chaizvo.

Pakutambira mari iyi ndipo pakutambira chikwambo chaanenge apihwa.

Ndizvo zvinozoita kuti kana ari mwanakomana haaroore nekuti anenge akapihwa mukadzi, kana ariwo mwanasikana anenge akapihwa murume wechikwambo.

Vanhu vava kushereketa muzukuru.

Zano randave kukupa nderokuti kana vabereki vako vasina zvavakaita padambudziko rako, ngavachiramba vakashinga kufamba newe kumachechi kana kuchivanhu ubatsirike.

Apa ndangoti uvhurikewo maziso, simba kunamata nekuti hapana chinoramba pamberi paMwari.

Tete.

Share This:

Sponsored Links