Kusakanganwa kwawakabva

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
Kusakanganwa kwawakabva

Kwayedza

VAYA vamunogaronzwa vachiti, “ZvemuZimbabwe hamuzvizivi here,” potai muchivabvunza kuti imbori Zimbabwe yokupi yavanotarisira kuzvigunwe, nokuti kana iri Zimbabwe inogarwa naMukwende, yakagukuchira tsika namagariro amandorokwati, yozoitawo zvihuta zvinoti kana zvanzi igore renzara, Mwari vanoita zvokuramwira, sezvavakaita ngoda paChiadzwa?

Ndosaka yakanzi nyika yeChivavarirwa, inosvikwa munhu asisina tarisiro.

Ndinotanga nezvakadzora ndangariro kupera kwesvondo rapfuura, Mukwende achiona mutungamiri wenyika vachishanyira madzisekuru avo kwaGutu, kuMasvingo, kwakabva mai vavo, Mbuya Bona.

President Mugabe vakanga vaenda kunobata mawoko asekuru vavo Mambo Gutu, Anosi Kasirayi Masanganise, nemudzimai wavo Mbuya Pamhidzai Masanganise.

Asi, mufananidzo wakazobuda mupepa reSaturday Herald musi wa14 May, ndiwo wasaka ndizvireve.

Mutungamiri wenyika vakatorwa pikicha vari pakati pamadzisekuru avo, namadzimai avo, vakagara pabhenji rakavakirirwa richitenderedza imba yokubikira.

Mumufananidzo, unoonawo mutungamiri wenyika vachitambidzwa mukombe wehwahwa hwamatanda, iyo pfuko yomusungwa yakagadzikwa pamberi pavo. Pamwe vanhu vangafunge kuti vana Madyirapanze vakange vave kudzidzisa muzukuru kunwa doro. Kwete, pikicha iyi inoratidza udzamu hwezvirango zvomusha.

Mumatunhu akaita seGutu, Zaka neBikita, hazvishamisi kuona mweni achigamuchirwa nepfuko yehwahwa, nerimwe divi, huku ichichema.

Gungano raunoona mumba rinoratidza munhu anoziva kwaakabva, munhu asingatarise kuti anotungamira nyika, asi anoziva kuti mai vakuru, vakakosha.

Mambo vanaro dare, pane zvimwe zvisingataurwe pachena, zvinoda mumba mambuya. Maonero aMukwende!

Vazhinji vakadzidza nhasi havangambogari pabhenji resimende mumba yedenderedzwa sezvakaitwa naPresident Mugabe. Asi vakazviita, nokuti kana vari kwaGutu kunyange vari President, vanenge vari muzukuru wavaera Gumbo.

Mutungamiri wenyika akaratidza kukosha kwokuzvininipisa kwatiri kushaya, kunyanya kune vanhu vatinotarisira kuti ndivo vane chiedza.

Asi, vakange vaine mashoko omufaro avaida kuudza madzisekuru avo, nenyika yese sezvavakaita muna 2013.

Pakabvisirwa Mai Chikore pfuma muna 2013, mashoko akafamba kuti Bona akaroorwa, asi zvakatora baba vomunhu mbune kuudza nyika kuti mwanasikana wavo aizochata muna Kurume 2014.

Musi wa17 Gumiguru, 2013 vachikumikidza bhazi nemba yekudzidzira zvamaComputer kuChishawasha Mission Primary School, President Mugabe, vaina Bona wacho vakati: “Tina sisi vari pano ava vane zita rinonzi Bona. Akaenda kuDominican Convent. Takazomuendesa kunana Hong Kong achinoita zvidzidzo zveAccounts. Akazoita Masters kuSingapore . . . Gore rinouya akafunga zvokusiya mhuri kunovamba yakewo, achiti, chisarai, makandibatsira. Ndakura, ndaakunozviitira. Izvo ndinofunga zvichauya muna March gore rinouya (2014). Ndopatinenge tichizokukokai mose ipapo, kuti munge muinesu.”

Zvesvitsa zvakauya zvikapfuura, asi President Mugabe vakaona zvakakodzera kuudza nyika kuti vave nemuzukuru, vari kuhama dzokwaamai vavo, kwaGutu.

Musi wa13 May 2016 vakati: “Deno Mai (Dr Grace Mugabe) vari pano vandiperekedzawo ndichiuya kuzobata mawoko kumadzisekuru angu. Asi, ndazouya ndega nekuti ivo havana kukwanisa kuuya, nekuti vakaenda kunze kwenyika uko mwanasikana wedu (Mai Bona Chikore), akakomborerwa, ane chikomana chandaiti chinotofudza mombe dzangu ichi.”

Kwaive kutaura kwomunhu azere nomufaro, asi kukosha kwokuenda kwaGutu svondo rapfuura unokuona President Mugabe pavanoti: “Handimbofa ndakakanganwa kuti ini ndakarerwa mumawoko enyu sekuru Madyirapanze . . . Takangokura tichifudza mombe. Hapana tsika yechivanhu yandisingazive. Handisi munhu wechiRungu. Handikanganwe Madyirapanze, ndivo vakatiumba. Handimbokanganwa. Deno Mai (Mbuya Bona) vari pano, ndivo vaindiperekedza, zvino vakaenda.”

Makorokoto makuru kuna President nemhuri yose!

Share This:

Sponsored Links