Kusandura maitiro kwakakosha mukurwisa HIV

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Kusandura maitiro kwakakosha mukurwisa HIV

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

SANGANO reNational AIDS Council riri kuparura zvirongwa zvekudzidzisa vanhu kuti vasandure mafungiro maererano nekuparadzirwa kwezvirwere zvepabonde, kunyanya kunzvimbo dzine mukana wakakura wekutapurirana hutachiwana hweHIV neAIDS dzakaita sekumigodhi yegoridhe nekumapurazi.

Vachitaura nevatori venhau vari paJumbo Mine kuMazowe, kuMashonaland Central nguva pfupi yadarika – NAC Communications Officer Mai Tadiwa Nyatanga-Pfupa – vanoti panga pava nekuwanikwa hwehutachiwana hweHIV zvakanyanya uye zvirwere zvepabonde kunzvimbo dzinoitwa zvekucherwa goridhe, kumapurazi, kune vanotengesa miviri uye nekuvatyairi vemagonyeti.

“SeNAC, tine zvirongwa zvanga zvagara zviripo zvine chekuita nekuderedza kuparadzirwa kwezvirwre zvepabonde neHIV asi tava kuwedzera kuzvisimbaradza kuitira kuti vanhu vawedzere kuzvichengetedza mukuparadzirwa zvirwere izvi.

“Tiri kuda zvakare kuti vanhu vagare vava nechenjedzo maererano nekuziva nzira dzakanaka dzekudzivirira kutapurirana hutachiwana hweHIV pamwechete nezvirwere zvepabonde. Tiri kukurudzira kushandiswa kwemakondomu uye kuti vanhu vaongororwe hutachiwana hweHIV nedenda reAIDS pamwechete nezvirwere zvepabonde. Chinangwa chedu ndechekuti munhu wese azive paamire,” vanodaro.

Mai Nyatanga-Pfupa vanoenderera mberi vachiti, “Nzvimbo dzemapurazi ndidzo dziri kunyanya kuwanikwa vasati vabve zera vachiroorwa nekuroora, vashandi vepamapurazi vari kuchinjana madzimai uye nekuenda pabonde vasina dziviriro vasingazivi pavamire. Izvi zvinoita kuti vanhu varambe vachitapurirana hutachiwana hweHIV uye zvirwere zvepabonde.”

Mai Nyatanga-Pfupa vanoti nzvimbo dzine mapurazi uye dzinocherwa kwegoridhe dzine zvipatara zviri kure izvo zvinonetsa kuti kana munhu arwara afambe achienda kunobatsirwa.

“Vashandi vemumigiodhi nekumapurazi pavanombowana mazuva kana nguva pfupi yekuzororara kuenda kubasa vanowanzopedza nguva iyi vakazorora.

“Izvi zvinoita kuti vasakwanisa kufamba kuenda kuzvipatara zvinenge zviri kure navo chero vachida kubatsirikana nezvehutano hwavo.

“SeNAC, takagara pasi nevatinoshanda navo tikaona kuti tinofanira kuvandudza zvirongwa zvedu zvinosanganisira vashandi vedu vanofamba vachidzidzisa vanhu maererano nekuti vaongororwe vazive pavamire, kuongororwa kwevanhu pamwechete nekuti vabve vawaniswa mishonga kana vabatwa vaine hutachiwana kana zvirwere zvepabonde.

“Zvimwewo zvirongwa zvinosanganisira kuchecheudzwa kwevanhurume, zvekurongwa kwemhuri pamwechete nekuongororwa gomarara kwevanhukadzi,” vanodaro.

Mai Nyatanga-Pfupa vanoti zvakare zvikwata zvemaCommunity Anti-Retroviral Drugs Refill zviri kuwanda kunharaunda dzakasiyana-siyana munyika sezvo vanhu vari kugara nehutachiwana hweHIV nedenda reAIDS vari kurwisa kuti pasave nerusarura nevavanogarisana navo.

“Tiri kuitawo zvirongwa zvedu takabatana nemasangano ezvitendero akadai seUnion for the Development of Apostolic Churches in Zimbabwe Africa (UDACIZA) iyo inobata machechi echipositori.

“Kupfurikidza neizvi, takakwanisawo kupinda mumachechi echipositori uye izvi zviri kuonekwa nehuwandu hwevanhu vari kubva kumachechi aya vachiuya kuongororwa hutachiwana hweHIV,” vanodaro.

NAC iri kushandawo zvakare nemadzimambo nemasabhuku mukuderedza kuparadzirwa kwehutachiwana hweHIV neAIDS.   

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey