Uncategorized

Kusarongeka, marara, bvonyongera muHarare

11 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

ZVINONZI guta iguta nekuda kwevanhu varo. Asi kana takatarisa Harare, vanhu veHarare ndevapi kana kuti ndivana ani? Ko iko kuwanda kwevanhu kunoita kuti nzvimbo inzi yave musha here?

Nzvimbo nenzvimbo ine hunhu, ine mbiri kana mukurumbira wayo. Rimuka, kuKadoma, sekunyora kwaVaChakaipa muna Garandichauya yakanga ine mukurumbira wekudhakwa kwevanhu, kudya mari nezvechipfambi. Mbare kana Chigovanyika, kuSt Marys – inzvimbo dzine mukurumbira unobva pahunhu hwevagari kufanana nemukurumbira weMufakose neFiyo.

Jesu chaiye akachema pamusoro pehunhu hweJerusarema hwekuuraya maporofita. Saka muHarare mune hunhu hupi?

Vanhu vawandisa muHarare, vanhu vasina sabhuku, vasina hukama, vasingazivikanwe kwavanobva. MuHarare mave nemukurumbira weruzha, marara, bvonyongera, matsotsi, kukwidza nekudzika kwemishikashika, zvingoro, marovha, kumhanya, kurarama, kutenga nekutengesa nezvimwewo.

Asika, musha inzvimbo yakarongeka, ine mutemo, tsika nehunhu.

Zvino kana iri Harare, inenge mwena uri kubuda ishwa nekuda kwevanhu.

Harare yasiyana nekumusha kwekuti sekuru vanogona kupedza zuva rese vachifudza mombe nekambwa kavo vasina mumwe munhu wavanombosangana naye.

Kana vanhu vachiti guta kuti rinzi iguta zvinobva pavanhu, toti kudii pamusoro peHarare? MuHarare munopinda vanhu vakawanda vachifambira zvakasiyana-siyana. MuHarare ukamupinda uchaona vanhu vanenge vachitaurirana, vachinyeperana, vachipopotedzana, vachiseka, kutarisa nekutarisana.

Pavanhu vanenge vaonana pane imwe nzvimbo muHarare, vachasangana zvakare, uyewo vamwe vanenge vasangana vakapesana havazoonanazve.

Saka toti Harare musha usina muridzi here kana tichitarisa kuwanda kwevanhu vese vari kuungana muguta iri senhunzi pachitunha chakaora?

Dzimwe nguva ndinomboti dai Mwari vakatuma mafashamu emvura yavakambotumira panguva yaNowa kuti vatakure nekubvisa tsvina yese nehupenzi hwazara muHarare kuitira kuti titange patsva. MuHarare mave nevanhu vari kubvarukira, kufarisa, kumera miswe semakonzo ari pamusha pasina kiti.

Hupenzi hwemuHarare hwave kuti unogona kuona mota yakatsikwa ichipembera yakanangana nemota dzinofanira kunge dzichipesana nayo. Iro benzi riri mumota iyoyo ukaribvunza kuti riri kuitei richida kuurayisa vanhu, rinobva ratanga kukutuka nekupopota. Ingave nyika here isina mitemo?

Guta kuzara nevane manyemwe, kuonererwa, Bronco nembanje?

MuHarare mota dzawandisa kunge mavendor.

Dai kanzuru ikatanga kuita zvinoita dzimwe nyika kuti munhu ari kupinda muHarare anobhadhariswa mari yekupinda muguta. Izvozvo zvinoitwa kunana London, uye zvinobatsira zvikuru pakuchenesa guta.

Zvimwe chete netsika yekumisa mota chero munhu paangofunga zvinofanira kupera. MuHarare unogona kungoona munhu achimisa mota yake pakati pemugwagwa chaipo, akavharira dzimwe mota dzakawanda obva atanga zvake kuburutsa vanhu asina kana kutya, kana kunyara, kana kuzvidzora.

Guta rega rega rine tsika nehunhu hwaro.

Guta reHarare rikaramba risina vanosimudza musoro kuti vagadzirise zvinhu richatora mukombe weguta rebvonyongera.

Maguta akaita seHarare anotaurawo mamiriro akaita nyika. Kuwanda kwevanotengesa, nevanofamba netumota twunenge twune vanhu vakarembera haisi chete nyaya yekutsvaga kurarama, asi kana politics dzirimowo, huwori hurimowo.

Asi pakupera kwezuva, kana Harare ikafamba mbiri yekusarongeka, mbiri yebvonyongera, marara, mishikashika nemavendor – vanonyara havasi vanhu ivava vanorembera pamota.

Kuona kwangu, Harare tichange tave kuisema iyesu varidzi vayo nekuti ichange yafanana nebenzi risina anoziva kuti rine hama here kana varidzi.

Kare kuchena kweHarare kwaive mukushambidzika, mukurongeka nemurunyararo rwaiwanikwamo. Asi nhasi uno Harare itoilet yepaMbare.

Share This:

Sponsored Links