Kusarudza mbeu yechibage

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Kusarudza mbeu yechibage

Kwayedza

Wendy Madzura
KURIMA kwaveko mazuva ano kwave kwemhando yebhizimusi, nokudaro zvakakosha kuti varimi vacherechedze zvose zvinoita kuti varime zvinovapa goho repamusoro.

Pakurima, kune zvinhu zviviri zvinoita kuti varimi varime zvine pundutso, zvinoti sarudzo yembeu nekurima zvakanaka kumunda. Nhasi tinoda kukurukura maringe nekukosha kwekuta sarudzo yembeu yakanaka, tichitarisa kuti ndezvipi zvingabatsira varimi pakuita izvi nehungwaru.

Huwandu nemanairo emvura zvakakosha pakusarudza mbeu nokuti ruzivo urwu rwunobatsira varimi pakusarudza mbeu inosvika pakuibva isina kuomerwa kana kushaya mvura pazvikamu zvakakosha zvekukura.

Mbeu dzeSeed Co dzinozivikanwa nemazita emhuka anoti Tsuro, Tsoko, Mbizi Shumba neNzou. Zvikamu izvi zvinoibva pamazuva akasiyana, nokudaro zvinoda mvura ine huwandu hwakasiyanawo kusvika pakuibva.

Tikatarisa muyenzaniso weNzou, tinoona kuti imbeu inoda mwaka murefu wekunaya kwemvura kuti ibereke goho repamusoro. Nokudaro mbeu yeNzou neShumba inokurudzirwa kudyarwa kunzvimbo dzinonaya mvura yakawanda zvekubva pahuwandu hwe750 mm kusvika kana kupfuura 1000 mm pamwaka. Idzi nzvimbo dzinosanganisira kuManicaland, Mashonaland East, Mashonaland Central neMashonaland West (Region 1, 2A & 2B).

Mbeu dzinotora mwaka uri pakati nepakati kusvika pakuibva dzinosanganisira Mbizi dzinokwanisa kudyarwa kunzimbo dzakasiyana-siyana, kunze kwedzimwe nzvimbo dzekuMatabeleland (Region 4 & 5).

Mbeu dzinotora mwaka mupfupi pakukura kwadzo dzinokurudzirwa kunzvimbo dzinonaya mvura shoma inotangira pa800 mm zvichidzika. Idzi mbeu dzinosanganisira Tsuro neTsoko.

Nzvimbo dzinonaya mvura shoma dzinosanganisira kuMasvingo, Midlands neMatebeleland (Region 3, 4 & 5).

Varimi vane madiridziro vane mukana wekusarudza mbeu dzinotora mwaka murefu kusanganisira Nzou neShumba nokuti vanokwanisa kuzodiridzira kana mvura yatadza kunaya. Zvakakosha kurangarira kuti mbeu inoda kuwana mvura yakakwana kuti ikure zvakanaka.

Mazuva ekudyara akakosha pakusarudza mbeu sezvo dzichisiyana siyana pamazuva ekuibva – Tsuro inotora mazuva ari pasi pe110. Tsoko inotora mazuva 119 kusvika pa127. Mbizi inoita mazuva 137, Shumba ichitora mazuva 135 kusvika pa148 kozoti Nzou inoitaawo mazuva 148 kusvika pa160 kuti isvike.

Tinokurudzira kuti mbeu dzinotora mwaka murefu dzidyarwe nokukasira, kunyanya kuna vaya vane madiridziro avo vanokwanisa kutodyara Nzou kana Shumba mumwedzi waGumiguru.

Varimi vasina madiridziro vanokurudzirwa kudyara nemvura yekutanga inokwanisa kumeresa mbeu, kunyanya kana vachidyara mbeu yemwaka murefu seNzou. Kana mwaka wekunaya kwemvura wanonoka kutanga, varimi vasina madiridziro vanokurudzirwa kusarudza mbeu dzinotora mazuva ari pakati nepakati kusvika pakuibva. Idzi dzinosanganisira mbeu dziri mumhuri yeShumba kana Mbizi.

Mbeu dzinotora mwaka mupfupi dzinokurudzirwa zvakanyanya kuvarimi vangada kudyara kana mwaka wafamba zvekusvika kupera kwaZvita nokuti mazuva anotora mbeu idzi kuti dzisvike pakuibva anofanira kuenderana nekupisa kunenge kuchiita kunze kuti mbeu ibereke goho repamusoro.

Zvakakosha kuti varimi vazive huwandu hwemadzinde avanenge vachida kuisa pandima nokuti zvinobatsira pakuita sarudzo yembeu. Mbeu dzinosiyana pakureba kwadzinoita madzinde kana dzichinge dzakura. Nzou inoreba kana ichinge yawana zvakaikwanira nokudaro hatikurudzire kuti varimi vadyare madzinde akawanda zvekupfuura 60 000 nokuti zvinoita kuti idonhe iri mumunda. Kana mbeu ikadonha, varimi vanorasikirwa negoho nokuti chibage chinodyiwa nemuchenje uye kana chibage chikadonha, chinonetsa kukohwa nemuchina kana nemaoko.

Nokudaro varimi vanofanira kusarudza mbeu maringe nemadzinde avanenge vachida kuzodyara pandima.

Mamiriro evhu nehuwandu hwemafetireza zvakakosha zvikuru pakubatsira varimi kuita sarudzo yembeu. Mbeu inopa goho repamusoro inoda kudya kwakawanda asi kurudziro yatinoramba tichipa varimi ndeyekuti, goho guru rinobva pakuita ongororo yevhu nekuita gadziro dzakafanira.

Muchidimbu, mbesa zhinji kusanganisira chibage dzine mhando dzembeu dzakasiyana dzekusarudza. Kurudziro yatinopa varimi ndeyekuti vashande pamwechete nevarimisi vavo kuti vawane ruzivo rwakakwana maringe nembeu inoenderana nenzvimbo yavanorima vari.

Rangarirai kuti kune zvinhu zviviri zvinoita kuti varimi vawane goho repamusoro. Chokutanga isarudzo yembeu, chechipiri kurima zvakanaka mumunda.

  •  Wendy Madzura murimisi kuSeed Co uye anobatika pa0773270080 kana Rabson Musimudzirwa pa0773270080

Share This:

Sponsored Links