Kusayanana kweMarriage Bill

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Fourie Revai naDanai Chirawu
SANGANO reZimbabwe Women Lawyers Association ndiro rakanga riri pamberi mukurwira kuti mitemo yewanano inge ichibatanidzwa muZimbabwe pasati paiswa mutemo mubumbiro remutemo wenyika mugore ra2013 uye rakanyora zvakawanda maringe nemutemo uyu.

Apo gwaro remutemo reMarriage Bill riri kufambiswa kumberi, panoda kuitwa ongororo yakasimba maringe negwaro iri kuti pabude gwaro rakasimba zvichifambirana nebumbiro remutemo, kudyidzana kwevanhu nekusaenzaniswa kwemikana pakati pemitemo yewanano.

  1. Nyaya yemidziyo

Chikamu cheSection 26 chebumbiro remutemo wechinyika chinotaura kuti panofanira kuva nekuenzaniswa kwemikana kuvanhu vari muwanano kusvika pakuparara kwewanano asi gwaro reMarriage Bill harina zvarinotaura maringe nekuenzaniswa uku.

Izvi zvakakosha zvikuru muwanano dzose kana takatarisa maringe nemutemo weMarried Persons Act zvichireva kuti wese anenge akanyoreswa pamidziyo ane kodzero yekuita zvaanoda nemidziyo yacho.

Midziyo mizhinji yakadai sedzimba, muZimbabwe yakanyoreswa mumazita evarume avo vanogona kurojesa kana kutengesa pasina kukumbira mvumo yemudzimai.

Izvi zvinosiya vanhu vazhinji vari panguva yakaoma, zvikuru sei kana munhu anenge akanyoreswa pamidziyo iyi akazofunga kuitengesa.

  1. a) Dziviriro panguva yewanano

Zvichifambirana neSection 26 yebumbiro remutemo wenyika uyo unotarisa zvinhu zvinonetsa vabereki nevana. Parizvino kune mutemo wekuchengetwa kwevana (Guardianship of Minors Act) unotaura kuti baba ndivo muridzi wemwana.

Zvichireva kuti panofanira kutariswa mubereki wese pasina kutarisa kuti munhu murume here kana kuti mukadzi. Kuchengetwa kwevana kunofanira kupihwa kuvabereki vese pasina sarudzo.

  1. b) Kurambana

Takatarisa Marriage Bill, wanano dzese dzakafanana pamberi pemutemo uye munhu wese anopinda muwanano ipi zvayo anofanira kuona kuti yanyoreswa kuMarriage Registry. Mutemo uripo parizvino wekugoverwa kwemidziyo kuvanhu vari muwanano dzisina kunyoreswa unotaura kuti vanokwanisa kugovana midziyo.

Chikamu cheSection 16 hachinyanyi kutarisa wanano dzisina kunyoreswa, kusanganisira pakugoverwa kwemidziyo.

  1. b) Wanano yekugarisana

Section 40 yeMarriage Bill inotarisa nezvewanano yekugarisana asi haitarisi kuti wanano idzi dzinofambiswa sei. Panofanira kutariswa kuti vanhu vagarisana muwanano yacho kwenguva yakareba sei. Muenzaniso mukuru unobva kunyika yeMalawi apo vanhu vanofanira kugara vese kwemakore mashanu zvichienda kumberi kuti pave neumbowo hwekuti vange vari muwanano.

  1. c) Chengetedzo panguva yekufa

Sezviri muMarriage Bill, zviri pachena kuti kodzero yemidziyo zvinoreva midziyo yewanano zvichienda mukupa kodzero kumudikanwi anozogara nhaka kana mumwe wake achinge afa. Mitemo yenhaka inofanira kupa chengetedzo kumudikani pamwe nevana.

  1. d) Kunyoresa wanano

Pachine mikana yekuti vanhu vanyorese wanano dzavo muZimbabwe uye panofanira kuitwa ongororo yekuona kuti vanhu havanyoresi wanano dzavo nevadikani vakasiyana pachishandiswa ruzivo rwechizvino-zvino.

  1. e) Zera rekubvuma bonde

Mitemo yewanano inorambidza wanano yevanhu vasati vabva zera. Inotaura kuti zera repasi rakakodzera kupinda muwanano vanhu vane makore 18 okuberekwa zvichienda kumberi.

Asi pachine mukaha sezvo mutemo weCriminal Codification and Reform Act unotaura kuti munhu ane makore 16 ekuberekwa anogona kubvuma bonde. Zviri pachena kuti kuita bonde kunogona kuti vanhu vapedzisire vaumba mhuri. Bumbiro remutemo renyika rinoti munhu ane makore 16 haakwanisi kuita mhuri nokudaro panofanira kuva nekugadziriswa kwemutemo uyu kuti uve nedudziro imwechete.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free dzinoti 08080131.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey