Kushandisa makondomu nemazvo

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Kushandisa makondomu nemazvo

Kwayedza

Kuna Chiremba

Usiku hushoma hwadarika, ndaiita bonde apo kondomu randaishandisa rakabva raputika. Ndinofanira kuita sei pakadai apa? Ndaivimba nemakondomu uye zvinondinetsa kuti chii chaizvo chakaitika apa.

Ndanetsekana

 

Kuna Ndanetsekana

Tsaona dzinoitika. Panguva yebonde, kondomu rinenge risina kupfekwa zvakanaka kana radarikidza mazuva ekuti ringe rashandiswa rinogona kuputika kana kubva roga, izvo zvinoisa munhu panjodzi yekutapurirwa zvirwere zvepabonde, utachiona hweHIV nepamuviri pasina kurongeka kuvanhukadzi.

Pane zvaunofanira kuita kana kondomu raputika panguva yebonde.

Kana kondomu raputika kana kutsemuka panguva yebonde, zvakakosha kuti ubva wamira kuita bonde ipapo.

Chimwe chakakosha panguva iyi kusarohwa nehana.

Tora nguva yako uchiongorora chaizvo zvinenge zvaitika, uchizvibvunza kuti kondomu iri richiri panhengo yesikarudzi yako here kana kuti rasara munhengo yesikarudzi yemudikani wako uye kuti wange wasvitsa nguva yekubudisa mbeu yababa here.

Unofanira kuongorora kuti kondomu iri raputika usati wabuditsa mbeu dzababa here?

Kana uine chokwadi chekuti hapanai kuita kuchinjana kana kusangana kwemvura dzinobuda kunhengo dzesikarudzi panguva yebonde, unogona kutangisa kuita bonde nerimwe kondomu idzva.

Tora nguva uchiongorora dheti rakanyorwa pakondomu rauri kuda kushandisa kuti harisati radarika here uye shandisa mafuta ekuti zvitsvedzerere anokurudzirwa zviri pamutemo.

Nerimwe divi, kana uchifunga kuti unogona kunge watarisana nenjodzi yekutapurirwa chirwere nekuda kwekupitika kunenge kwaita kondomu, ibva watorega kuita bonde racho zvachose panguva iyi.

Unogona kugeza sikarudzi yako nesipo asi usakwenye kana kushandisa mimwe mishonga nekuti zvinogona kuve nenjodzi kuutano hwako.

Kana wanga wabudisa mbeu dzababa, edza nepaunogona kubvisa mbeu idzi kubva munhengo yesikarudzi yemudikani wako.

Mushure mechiitiko chakadai, iwe nemudikani wako munofanira kuenda nekukasika kuti munoongororwa kuti hamuna kutapurirana zvirwere zvepabonde here, kusanganisira utachiona hweHIV.

Kunyangwe mose mukaonekwa musina zvirwere zvepabonde kana kuti utachiona hweHIV, munofanira kuzoenda kunoongororwa zvakare kwapera mwedzi yamunenge matauririrwa nekuti dzimwe nguva utachiona hunenge husati hwave kuonekwa panguva iyi (window period).

Kana mukaonekwa kuti muri panjodzi yekutapurirana utachiona hweHIV, munopihwa mishonga yepost-exposure prophylaxis (PEP) yekudzivirira kutapurirwa utachiona uhu.

Mishonga iyi inotorwa kwemwedzi wose yemaARVs, inotanga kunwiwa muchangoipihwa — asi inokwanisa kushanda maawa 72 kubva panguva yamaita bonde, pazoputika kondomu. Mushure mekutora mishonga iyi, munhu anogona kunzwa kuda kurutsa nekuneta.

Kuti munzwe zvakawanda pamusoro pechirongwa chePEP munogona kushanyira kiriniki kana chipatara chiri munharaunda yenyu.

Zvakakosha kudzivirira njodzi dzekuputika kana kutsemuka kwemakondomu munguva inotevera.

Njodzi dzakadai hadzingoitika nyore uye unofanira kufunga pamusoro pazvo.

Uri kushandisa makondomu nemazvo here? Uri kushandisa mafuta ekuti zvitsvedzerere asingazokonzere kuti kundomu riputike kana kutsemuka here?

Makondomu auri kushandisa haasati adarika zuva kana dheti rekunge ashandiswa here?

Zvakakosha kuziva chinenge chakonzeresa kuputika kana kutsemuka kwekondomu kuitira kudzivirira njodzi yakadai mune ramangwana.

Mamwe mazano ekudzivirira kuputika kwekondomu ndeekuti usapfeke makondomu maviri panguva imwe chete. Kukwizana kunoita makondomu maviri kunokonzera kuti atsemuke kana kuputika.

Onawo zvakare kuti uri kushandisa makondomu anoenderanawo nenhengo yesikarudzi yako uye kondomu rimwe chete harifanire kushandiswa kaviri.

Zvinofanira kusimbisa kuti PEP haifanire kushandiswa sechijairira mukudzivirira kutapurirwa utachiona hweHIV.

Chirongwa chePEP chinoshanda zvakasimba kana chikaitwa nemazvo, asi hachisi 100 %.

Makondomu anoshanda kusvika chikamu che99.95 % uye ndiyo nzira yakanaka yekudzivirira kutapurirwa HIV nezvirwere panguva yebonde.

Share This:

Sponsored Links