Uncategorized

Kushinga: ‘Tinobura nyanzvi’

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Kushinga: ‘Tinobura nyanzvi’

Kwayedza

MUKURU wekoreji yeKushinga Phikelela Polytechnic iri kuMarondera, VaRoy Mavunga, vanoti chikoro chavo chabura nyanzvi dzakawanda dzemabasa emawoko akasiyana kubvira mugore ra1984.

“Donzvo redu nderekubura vadzidzi vanoziva zvavanoita uye vanozoenda kumakambani akasiyana, kunyanya takatarisana nezvidzidzo zvakaita seEngineering, zvekuvaka, kugadzira motokari, kuveza neICT,” vanodaro VaMavunga.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine chibvumirano chekushanda pamwe chete neMidlands State University mune zvimwe zvidzidzo seCommunity Development. Chidzidzo ichi chinoitwa kwemakore maviri uye vadzidzi vanoshanda vanokwanisa kudzidza vachienda kumabasa avo kuburikidza neyatinoti “block release”. Tinoti dzidzo kumunhu wose zvisinei nezera kana nzvimbo yaanenge ari.”

Vanoti koreji yavo iri kutsigirawo chirongwa cheSTEM kubudikidza nezvidzidzo zveEngineering neApplied Sciences.

“Tiri kusimudzirawo chirongwa cheSTEM nenzira dzakasiyana. Pano tinobura vadzidzi vane ruzivo rweSainzi rwakadzama tichifambirana nenguva.” VaMavunga vanoti pakoreji pavo panoitwawo zvidzidzo zvekurima zvakasiyana.

“Sekoreji, tinoitawo mabhindauko akasiyana anosanganisira kurima chibage, bhinzi, mbatatisi nekupfuya huku nemombe. Mabhindauko aya anotibatsira zvakare mukupa vadzidzi vedu chikafu,” vanodaro.

Pakoreji iyi panoitwawo mitambo inosanganisira netball, volleyball, tennis, cricket, darts, pool nechess.

 

Share This:

Sponsored Links