Uncategorized

Kushungurudzwa zvakarerekera kunyaya dzepabonde uri pabasa

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Geraldine Tendai Kabaya—

PAMABASA panoitika zvinhu zvakawanda. Zvinhu izvi zvinosanganisira zvinokanganisa raramo yemunhurume kana munhukadzi zvichienderana nekuti zvinenge zvaitwa nenzira ipi.

Kumbunyikidzwa nenzira yebonde chinhu chinokanganisa zvikuru vanhukadzi mumabasa. Kumbunyikidzwa nenzira yebonde kunoreva hunhu hwakaipa hunoitirwa vanhu mumabasa, zvikuru madzimai, uye dzimwe dzenyaya dzacho dzinoguma dzava mukati memimwe mitemo inoreva kuparwa kwemhosva dzinotosungisa. Mhosva dzerudzi urwu dzinoparwa nenzira yakadai sekutaurwa kwemashoko anodzikisira chimiro chemunhu, kutamba chikudo kana chiramu nemushandi kana mushandirwi kana kutukirira.

Mhosva idzi dzinonyanya kurerekera kunyaya dzekukumbirana bonde kuitira kuti mushandi ange achiwana basa kana zvimwe zvinhu pamabasa zvinova zvinenge zvisina kuwirirana kana kuti zvisingafadzi rumwe rutivi rwunenge rwuri kukumbirwa kana kumbunyikidzwa.

Kuita kwakadai kunoita kuti mushandi asafarire kushanda pabasa uye mumbunyikidzi anoramba achiita izvi zvisinei nekuti nyakumbunyikidzwa anenge asiri kubvumirana nazvo zvichikonzerwa nekuti anenge ari murume kana munhu ane chigaro chepamusoro pabasa.

Pasi pemutemo wenyika, Section 24 yebumbiro remutemo inotaura nezvekodzero dzevashandi kuti vange vachishanda murunyararo uye vakasununguka.

Section 65 iri pamusoro pemabatirwo akanaka anofanira kuitwa vashandi. Kumbunyikidzwa kwevashandi nenzira yebonde kuderedza kodzero dzavo nehunhu uye chimiro chavo.

Vashandi vane kodzero yekushanda panzvimbo dzakakodzera uye paine ukama hwakanaka pakati pemushandi nemushandirwi maringe nezviri muchikamu chemutemo unoona nezvevashandi, weLabour Act (Chapter 28:01).

Kutaura mashoko ane chekuita nezvebonde kana kubata munhu nhengo dzake dzemuviri semagadziko, mazamu nezvimwe pasina kubvumirana ndiyo imwe nzira yekumbunyikidza nayo vashandi. Kuratidza mafirimu ezvinyadzi, kungopembedza munhu nenzira inotaura nezvechimiro chake iye zvisingamufadzi imhosva.

Zvisinei, hakuna muripo wakati tsvetere wati vawapo kuvanhu vanenge vambunyikidzwa kana chirango chakanyorwa chingapihwe kuvapari vemhosva, asi hakuna zvakare nzira dzinodzivisa kuti vapari vemhosva vange vachirangwa pamhosva dzavanenge vapara.

Pasi pemutemo unoona nezvekurwiswa kwenyaya dzerusarura kuvanhukadzi, rusarura urwu runosanganisira kushungurudzwa kwavanoitwa nekuti vanenge vasina simba serevanhurume.

Madzimai kana akambunyikidzwa pamabasa haazonzwi kuda kufarira basa kana kuva pabasa pacho.

Madzimai anogona kukumbirwa bonde asi vanogona kushungurudzika apo vanenge vachiziva kuti kuramba kwavo kunogona kuita kuti varasikirwe nemabasa kana kudzikisirwa zvigaro kana kutorohwa chaiko.

Nyaya dzekumbunyikidzwa mumabasa dzine kakudzvanyirira mukati, rusarura, kushaiswa simba nemhirizhonga.

Pasi pemutemo unobata nyika dzose, mitemo yenyika inopa chengetedzo kuvanhu kuti vange vachirarama murunyararo uye zvakaenzana, zvisinei nekuti varume here kana kuti vakadzi.

Pakupedzisira, tinotarisa nyaya dzekuenzaniswa kwemikana uye kurwiswa kwenyaya dzerusarura apo mitemo iri kuedza kurwisa nyaya idzi.

Zvisinei, pachiri kuda kunzverwa poonekwa kuti vapari vemhosva vangarangwa zvakadii uye vananyakuparirwa vangaripwa sei zvichienderana nekurwadziswa kwavanenge vaitwa.

Tinovimba kuti munguva inotevera kuchange kuine Zero Labour Draft Bill iro tinoti kana richinge rapasiswa wave mutemo, richatsanangura zvizere maringe nenyaya dzekumbunyikidzwa nenzira inorerekera kunyaya dzebonde uye mimwe mitemo inodyidzana nenyaya idzi.

Pane tarisiro yekuti kana mutemo uyu wapasiswa, nyaya dzekumbunyikidzwa kwevanhu mumabasa nenzira yakarerekera kubonde dzinogona kuzoderera. Pamusoro peizvi, mitemo ine chekuita nenyaya idzi inofanira kunge ichifambiswa mumabasa.

 

* Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata paWhatsApp inoti 0777 828 201 tinokupindurai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey