Kusimudzira dzidzo munguva yeCovid

06 Jul, 2021 - 09:07 0 Views
Kusimudzira dzidzo munguva yeCovid

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinotsigira dzidzo, reEducation Coalition of Zimbabwe (ECOZI), rakaita musangano pamasaisai svondo rapera apo rainzvera nyaya dzemari yebhajeti redzidzo kunyanya munguva ino apo nyika iri pakati pekurwisa chirwere cheCovid-19.

Donzvo remusangano uyu raive rekuti kudai nyaya dzedzidzo dzakwanisa kutsigirwa nemari inokwana mukufambisa zvirongwa zvose zvinodiwa, kunyanya zvidzidzo zvepamasaisai (e-learning) izvo zvinobatsira kuti zvidzidzo zvisamira nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Pari zvino zvikoro zvakambononoka kuvhurwa nechinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19.

VaPepukai Chivore, avo vanoona nyanzvi inoona nezvebhajeti (macro-economic analyst) kudare reParamende yeZimbabwe, vanoti zvakakosha kuti bhajeti riri maringe nenyaya dzedzidzo ringe riine kuenzaniswa kwemikana pakati pevarume nemadzimai kuitira kuti munhu wose awane dzidzo yakakodzera.

“Kana bhajeti rikasaitwa nemazvo, rine mikana yekuwedzera kutambura kuvanhu  avo vanenge vachifanirwa kuwaniswa rubatsiro rwedzidzo senherera, vanasikana avo vanowanzosarira kumashure munyaya dzedzidzo nekuda kwedzimwe tsika nemagariro izvo zvinosarura.

“Kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kwaderedza upfumi hwenyika apo vashandi vava nenguva shoma yekushanda mumakambani kusanganisira vanoita mabasa vakazvimiririra, izvi zvinokakanganisawo kusimukira kwebhajeti redzidzo mumakore anotevera kubvira 2021 kusvika 2025,” vanodaro.

Vanoti vana vakawanda vari kurasikirwa nedzidzo zvikuru vekumaruwa uko kusina ruzivo rwechizvino-zvino rweindaneti kuti vange vachifambirana nevamwe vavo vanofunda mumaguta umo mune magetsi nezvekushandisa – tisingakanganwi vadzidzi vakaremara.

“Tinoda bhajeti rinotarisa nyaya dzezvivakwa zvakakwana muzvikoro kuitira kuti vana vakwanise kufunda vose zuva nezuva, asi vakapatsanurana kwemamita akatarwa mukurwisa denda reCovid-19 uye pari zvino kune zvichemo zviri kubva kuvabereki pamusoro pekupanana zvijana zvekudzidza muzvikoro nekuda kwekuti zvikoro zvinenge zvisina zvivakwa zvakakwana.

“Zvikoro zvinoda zvimbuzi zvakana uye zvisingazove jodzi kuvana zvichifambirana nebumbiro remutembo panyaya yedzidzo. Vanasinaka vazhinji vari kusiira chikoro panzira panguva iyo vanotanga kutevera nekuda kwekuti vanenge vasina zvekushandisa zvakakwana,” vanodaro.

Vanowedzera vachiti varairidzi vanofanira kufundiswa nyaya dzekuenzaniswa kwemikana kuitira kuti vana vafarire chikoro.

“Tinodawo vadzidzisi vesayinzi nemasvomhu vari vechidzimai kuitira kuti vanasikana vavewo neshungu dzekuita zvidzidzo izvo zvinowanzotariswa sezvinorema kana kuti zvinoitwa nevadzidzi vechirume. Nyaya dzemitambo dzinodawo rutsigiro pamwe nezvirongwa zveBasic Education Assistance Module (BEAM),”  vanodaro.

VaWillard Nengomasha, vanova technical lead education kusangano rePlan International, vanoti dzidzo inoda kutsigirwa zvikuru munguva yeCovid-19 kuitira kuti vanasikana kunyanya vanova vari panyatwa yekumbunyikidzwa nenzira yepabonde vaenderere mberi nedzidzo pasina nyaya dzekuroodzwa kana kumitiswa.

ECOZI isangano rakazvimiririra iro rinoshanda nemapoka edzidzo ari muZimbabwe kusanganisira anomiririra varairdzi, vadzidzi, vemakereke nemamwe akazvimiririra nedonzvo rekusimudzira dzidzo.

Share This:

Sponsored Links