Kusimuka nekupera kwaPARADZAI MESI

26 Apr, 2023 - 14:04 0 Views
Kusimuka nekupera kwaPARADZAI MESI Paradzai Mesi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

. ‘Ndakatenga mombe 15 ka1’

. ‘Ndikaita vakadzi 3 nemota 3’

. ‘Apa ndinodhakwa netumbwa’

. ‘Hamheno ndinorasika papi’

“NDOVAUDZA vairamba, hendeha . . . ndovaudza vanoramba upenyu madzorooo”, akaimba achidaro.

Kubudirira nekuzodonha kweshasha yemusambo weSungura iyi rinoita kunge firimu.

Bhaisikopo rekwaani iroro!

Muchidimbu, akaburitsa madambarefu anopisa 12, akatenga mombe 15 kamwe chete mushure mekuita shoo yakamupa mari kuMozambique uye motokari akaita nhatu.

Kana ari madzimai, akamirira pavatatu.

Ndokubva zvadini paya?

Nhasi uno zvose izvi zvave zviroto sezvo ave swerakuenda mukuwasha wezuva anotevedza kune doro mumapurazi uye ave kudya nhoko dzezvironda.

Zvose izvi zvakaparara.

Sanganai naParadzai Mesi (51), uyo anotungamirira chikwata cheNjerama Boys.

Mesi achangobva kupona neburi retsono kuti asaende kujeri zvichitevera nyaya yaaipomerwa kuti akapazira muchitoro, ndokuba girosari kuGlendale.

Muridzi wechitoro ichi akazomunzwira tsitsi, ndokubvisa nyaya iyi mudare reConcession Magistrate Court nemusi weMuvhuro wadarika izvo zvakaona Mesi achiregererwa pamhosva yaange akatarisana nayo iyi.

Akabva adzokera kumba kwake, Kwayedza ndokumuronda kunosvika paanoti ndiwo “musha” wake.

Mesi ari kugara mutudzimba twehuswa nemapango mukomboni yepapurazi reKiyawora riri kuConcession.

Tinoita hurukuro naye, pamwe chete nemudzimai wake, Patricia Kapadza (50), ndokunzwa zvinokunda ngoma kurira.

Mesi anobuda pachena kuti iye nemhuri yake vari kugara upenyu hunorwadza zvisinei nemukurumbira waainawo.

Anoti vanotambura nemudzimai wake nemhuri zvekutomboshaya chekudya.

Vari kutombopona nekuita maricho muminda yevanhu, kusanganisira kusakura nemamwe mabasa.

Paradzai Mesi nemudzimai wake Kapadza vari pamba pavo

Vatori venhau pavakasvika pamba pake, vakashairwa pekugara chaipo, ndokupihwa zvigubhu zvemvura zvemarita 20 kuti vagare.

Mesi nemudzimai wake, akaroverera sutu iya itsva neshangu dzacho zvaakatengerwa naMudiwa Hood, vakagara zvavo pasi, pahwaro hwemuberevere retudzimba twavo.

Ungazoti ndiye “Mukoma Para” uya ane nziyo dziri kuswerodandaura kuridzwa vanhu vachifara?

Musha wemhuri iyi une dzimba ina dzehuswa nemapango, hapana mvura yakachena yekushandisa padyo.

Dzimba dzinogara Paradzai Mesi

Anotiwo akatengerwa girosari izvo zvichambovararamisa kwenguva pfupi semhuri, zvisinei kuti Kwayedza haina kukwanisa kuona girosari iri pamusha apa Mesi ndokungoti, “Hazvisati zvasvika, zviri kuuya”.

“Kugara kwangu mukomboni muno hakusi kuda, ndakatiza pandairoja kuGlendale mutown ndashaya mari yerendi ndokuuya mukomboni muno umo matinonogara mahara navadzimai vangu nevana vangu 7. Tinorarama nemaricho, ndichimboendawo kunoridza magitare rinova basa randava kuita nevana vangu vakomana vaviri nemusikana mumwe chete vanoti Willis, Webster naEmelda.

“Tinogona kupedza mwedzi miviri kana mitatu tisina kuridza uyewo mari yatinowana ikoko ishoma,” anodaro Mesi.

Nekuda kwekuoma kweupenyu, anoti mumwe wevana vake haasi kuenda kuchikoro sezvo iye ari kushaya mari.

Musha waMesi

Muimbi uyu anobvuma kuti dambudziko rake nderekutora zvinodhaka zvinosanganisira tumbwa nemusombodhiya.

“Kuchikoro ndakagumira Grade 7 paNyamaropa Primary iri kuShamva ndikashairwa mari yekuenderera mberi nekuti baba vangu, VaVengai Jimmy, avo vava kugara kuNyabira, vakanga vasiyana naamai vangu Jenniffer Katsande. Asi vose vapenyu havo.

“Baba naamai vakarambana ini ndichiri nhumbu. Ndakazotanga kuridza mabhanju ndichigara kuMazowe, ndikazoenda kuMuzarabani kwandakavambira chikwata changu cheNjerama Boys kunova kune chikomo chinonzi Njerama, ndipo pakabva zita iri,” anodaro.

Mesi anoti zvekuridza magitare akazvitangisa kuma1987 ndokuenderera mberi kusvika izvozvi.

“Handizive zvangu kuti zvinhu zvangu zvakarasikira papi. Ndakatanga kutsikisa mugore ra2000 album rangu rekutanga, ndikazotsikisa mamwe madambarefu 11 pamusoro akasvika 12.

“Panguva yazvaifamba, ndakamboroora madzimai matatu – kusanganisira vahosi vangu vandiinavo ava – asi vamwe vakazotiza voga zvinhu zvava kunetsa.

“Fungai kuti ndakatenga mombe 15 kamwe chete ndabva kunoita shoo kuMozambique ndikanodzichengetera kuMuzarabani uko dzikambowanda kusvika 35. Asi dzose dzakazofa nezvirwere.”

Anoti akambotenga motokari nhatu dzinosanganisira kombi nedzimwe mbiri diki idzo dzakazotanga kufa zvakatevedzana nemombe dzake kusvikira adzitengesa dzose.

Zvino ava kufamba netsoka.

“Zvinhu zvakatanga kudzikira ndikatengesa motokari dzose uye zvandinoridzisa ndokutanga kusakara. Izvozvi ndangosara nemagitare chete, pakunoridza tinotohaya zvevamwe.

“Kutambura kwangu ndingati kwakazonyatsobuda pandakarwara neTB ndikaita mwedzi 7 ndisingaridze, asi ndakazorapwa zvangu chirwere ichi chikapera,” anodaro Mesi.

Mudzimai wake, Kapadza anotsinhira kuti vari kutambura zvakanyanya mukurarama kwavo.

“Tinorarama nemaricho, tinoshanda muvanhu kuti tiwane kudya. Hongu, baba vanodhakwa asi vanhu zvimwe vanowedzerawo vachiti vanoita zvekutembedzanwa vasingazive zvavari. Vanoda kubatsirwa nekuti upenyu hwavo hauna kuita zvakanaka,” anodaro Kapadza.

Kwayedza payaikurukura nemhuri iyi, mukomboni yose vanhu vaingoridza nziyo dzaMesi padzinhare nepamawairesi senzira yekuratidza kufarira kudzoka kwemuimbi gamba ravo uyu.

Zvichakadai, Sekuru Kamwelo Banda, mushure mekunge vabhadhara kudzosera muridzi wechitoro chakabiwa naMesi girosari, vakazosvikawo pamusha apa. Vakavimbisa mhuri iyi kuti vachairojera imba ine dzimba ina kuChitungwiza kutanga munaChivabvu ari kutevera.

Paradzai Mesi (kuruboshwe) naNever Sabao (kurudyi) vachiregererana apo Sekuru Banda vaive vakatarisa

“Ndakarwadziwa zvikuru ndichiverenga nyaya yemuimbi uyu mubepanhau reKwayedza nemusi weChishanu svondo rapera zvichinzi asungwa ndikabva ndamhanya kuno kuConcession musi wakare kuzobatsirana navo kusvikira abuda muhusungwa. Nemamiriro eupenyu hwaParadzai, ndava kumurojera 4 rooms kuChitungwiza kutanga mwedzi waMay.

“Amai naBaba Paradzai Mesi ndaronga kuti munogara kuChitungwiza, tipei svondo rimwe chete mosara muchironga, mozobva kuno monogara kuChitungwiza tichibatsirana nemagonero edu,” vanodaro Sekuru Banda.

Mesi akagashira mashoko aya nekunyemwerera, miromo yake ichiita seichatsemukira zvekusvika kunzeve nemufaro.

Kune vanhu vakawanda vari kuvimbisa kubatsira Mesi nemhuri yake.

Mesi anoti kune vanoda kumubatsira nekumuwanisa mashoo, anoda mari inotangira paUS$500 zvichikwira kuti chikwata chake chinoridza mungava mumabhawa kana mune dzimwe nzvimbo dzekutandarira.

Mesi anoti haana rimwe basa raakadzidzira kunze kwekungoshanda mumapurazi kusvikira azotanga zvemagitare.

Mbiri nemari Mesi akamboita. Asi nhasi hakuna chinoratidza budiriro iyi sezvo angova “machira chete”. Hapana chaainacho kunze kwenziyo dzake idzo dzichiri kuridzwa.

Upenyu hwake hunotsanangurika seizvi, “Ushe madzoro”, “Aiva madziva ava mazambuko”, “Chinokura chinokotama”!

Share This:

Sponsored Links