‘KuSmall-house kunofaya’

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘KuSmall-house kunofaya’ Sekuru Chisanyu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MAZUVA ano nyaya dzema”small-house” dziri kutsviriridza apo munhurume anopinda murudo nemumwe mukadzi asi iye aine mudzimai kumba.

Kune wanano dzakawanda dziri kuparara nekuda kwemuitiro uyu.

Chii chinombokonzera kuti vamwe varume vapedzisire vave kuita zvemasmall-house asi kumba vaine madzimai? Kusagutsikana nezvavanazvo? Kana kuti ruchiva?

Kwayedza yakazvitsvaga ikanzwa zvinokunda ngoma kurira.

VaGibson Zawe (42) vemuHarare vanoti kuti nyaya dzemasmall-house dziveko, mudzimba munenge muchinetsa kugarisana nemadzimai.

Gibson Zahwe

“Kazhinji munoona vamwe varume vachiita masmall-house mofunga kuti vanopenga kana kuti vanonetsa. Kwete, chakafukidza dzimba matenga.

“Kune mamwe madzimai anoita sekunge ane shavi rekunetsa zvekuti murume anorohwa nekushushwa asi achinyara kumhan’ara kumapurisa kana kuudza vamwe vanhu. Ungataure kuvanhu kuti ndiri kurohwa nemukadzi?

“Saka murume anosarudza kunotsvaga pamwe pekugara nemumwe mudzimai nekuti zvinorema kuti murume agare ari oga, ndipo panotanga kubuda kuti small-house nechikonzero chekuti kunenge kwava kuvamba imwe imba yepiri,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Vamwe vakadzi vari kunzi masmall-house vanenge vachiona vachitove madzimai chaiwo emumba nekuti ndiyeka anenge ari kugara nemurume achimuitira zvose uye mhuri ichitogadzirwa ikoko.

“Saka zita rekuti small-house rinofanira kubviswa nekuti kune vamwe vanenge vakatobvisirwa pfuma yeroora.”

Mumwewo murume akabvunzwa pamusoro penyaya ino muHarare, uyo akaramba kudura zita rake achiti “munondikuvadzisa namadhamu” anoti:

“Kusmall-house kunofaya hama dzangu. Kumba unongoitirwa mashura, mukadzi achikutonga apa ndiwe wakabvisa pfuma. Haakuone semurume wake, asi kutobhohwekana newe. Unogumawo wafinhuka, wawora moyo woenda kwaunodiwa.

“Zvino ukasvika kusmall-house yako unoitirwa zvose – kuitwa mambo chaiye. Bhachi nebhutsu unoita kubviswa, unobhabhurwa pakuenda kunogeza, chikafu unodyiswa . . . rudo chete.

“Zvino kumba unopotsa watambidzwa chikafu negumbo, ndokunge wachipihwa. Saka unoguma waenda kwaunodiwa, kune rudo. Kana iri yangu small-house inotondichengeta, mari ichitondipa kuti ndinopa maiguru nevana kumba.”

Anoti vamwe varume vanosarudza kugara kubhawa, pamwe pacho vasinganwe doro, nekuti vanenge vachizeza kunobatwa huchapa nemadzimai avo kudzimba.

Elder Douglas Kambarami

VaDouglas Kambarani – avo vanova elder kuchechi yeZAOGA Forward in Faith – vanoti kana vanhu vachiroorana pamwe nekuchata, vanenge vasingazivane kudakara vazova kugara vose mumba panova pavanozoratidzana chokwadi chezvavari.

“Pane nyaya dzakawanda dzevanhu vanozorambana mushure mekuchata, asi chandinoona zvakakosha kuti vanhu vatsvage vapangi vemazano sevakuru vemachechi pachinzvimbo chekuti vamhanyire kuita zvemasmall-house nekuti ikoko kunogona kubva zvirwere uye kuparadzana kwemhuri. Nyaya dzemasmall-house handioni riri danho rakanaka pakugadzirisa imba inenge yava kuparara,” vanodaro.

Kuchiti Sekuru Friday Chisanyu, vanova nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioners’ Association, vanoti nyaya dzemasmall-house dziri kuuya nekuda kwemadzimai anoramba kupinzwa mubarika.

“Makare-kare, kana pari zvino kune dzimwe nzvimbo — zvikuru kumamisha — mabarika achiriko apo murume anoroora madzimai akawanda achigara navo.

Asi mumadhorobha nemaguta, nemhaka yemamwe madzimai anoti anoziva kodzero dzavo, varume vanoomerwa vachikundikana kuwana mari yekuroora. Ndivo vanogumisira voita dzimba diki kana kuti small-house muchivande,” vanodaro.

Vanoti barika rinoitwa pachena rakanakira pakuti madzimai anogona kugara murunyararo uye murume anovariritira vari pamwe chete, pasina zvekuitirana godo sezvinoitika pakati pemudzimai ari mumba neari kunze.

Kune dzimba dzakawanda dziri kuparara mushure mekunge murume apata musha achinogara neshamwarikadzi — yakaroorwa kaverevere kana kuti isina — apo mudzimai wemuwan

Share This:

Sponsored Links