Kutanda botso chii?

15 Dec, 2022 - 09:12 0 Views
Kutanda botso chii? Sabhuku Mazithulela

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUTSIKA dzechivanhu, mwana akatadzira mubereki, angava baba kana amai sekuvarova – kunyanya kana vari amai vake nyakumutumbura – anofanirwa kuvaripa nekutanda botso senzira yekuzvichenura kubva kumunyama kana matambudziko anozomuwira zvichibva mukukanganisa kwaakaita uku.

Kutanda botso kunogona kuitwa munhu akatadzirwa ari mupenyu kana kuti afa.

Vamwe vana vanonzi vanotanda botso vasingatoziva kuti ndizvo zvavari kuita.

Asi iko kutanda botso kuita sei?

Sabhuku Mazithulela, VaMarton Mazithulela (74), vekwaMambo Njelele, kuGokwe, vanoti kutanda botso kunoitwa kana mwana akatadzira mubereki, kunyanya amai vekumutumbura sekuvarova, kuvatuka kana kuvananga huroyi.

Kazhinji mwana uyu anozongombera munharaunda achiita kunge rombe akapfeka madhumbu kana masaga.

“Kutuka amai, kuvarova kana kuvananga huroyi imhosva huru inoripwa nekutanda botso. Botso rinotandwa mubereki ari mupenyu kana kuti afa.

“Kana uchitanda botso, unopfeka masaga kana msrengeny’a uchifamba uchishevedzera kuti ‘ndakarova amai, ndakatuka amai, ndibatsireiwo’.

“Munhu uyu anenge aine saga achikumbira chibage, zviyo, mhunga kana hupfu. Vamwe vanhu vanomuona achidaro vanomudira madota, vamwe vachimumwaya madhaka nekumusveeredza kuti harinyare rakarova amai,” vanodaro Sabhuku Mazithulela.

Vanoti nekuda kwengozi yekurova kana kutuka mubereki, munhu anoomerwa neupenyu nekuita munyama uye zvinopera chete kana atanda botso.

“Zvinhu zvaunopihwa nevanhu izvi unozoenda nazvo kuvazukuru vemhuri yenyu vonyika zviyo, kwobikirwa doro musango iwe nyakupara mhosva uchigara mudondo imomo. Unobvisa mbudzi kana mombe inouraiwa musango imomo, nyama yacho yodyiwa nevatorwa nedoro racho ronwiwa pasina wehukama wekwako anozviravira.

“Nyama yacho hairungwe nemunyu asi inosevewa mudota kuti idyike,” vanodaro.

Sabhuku Mazithulela vanoenderera mberi vachiti: “Ngozi yaamai inopedza mhuri, akaipara kana afa botso racho rinoitwa nehama dzasara, vangava vakoma, vanin’ina vemumhuri kana hanzvadzi. Unogona kutanda botso rehama yako yakashaika. Vose vanhu ava vanopfeka masaga nekuita zvinodiwa.”

Vanoti ngozi yababa yakareruka pane yaamai sezvo amai vachionekwa semutorwa kuvana vavakabereka.

“Asi zvakadaro, hazvireve kuti vanababa vanofanirwa kurohwa kana kutukwa nevana, asi tiri kuti ukarova baba ngozi yacho iri nani pane kurova amai. Ngozi yaamai unoripa mombe kumadzisekuru vouchirira kuchikuva kuti ipere, hazvina mhosva kuti amai ava vapenyu kana kuti vakafa,” vanodaro Sabhuku Mazithulela.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi vekwaMutare, kuManicaland vanotiwo ngozi yaamai inopedza dzinza.

Mambo Zimunya

“Nyaya dzengozi dzekurova amai, kuvatuka kana kuvananga huroyi idzo dzinouya mudare rangu dzakawandisa. Vamwe vanouya vaona kuti vanhu vapera kufa.

“Isu nyaya dzakadai tinotangira pamuripo wemombe nhatu zvichikwira idzo dzinoenda kumusha kwaamai. Tinoripisa nyakupara mhosva mombe imwe chete nembudzi,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti ngozi yaamai inogona kuitisa dzinza rose marombe kana kurasika njere.

“Ndinoti kuruzhinji amai havarohwe kana kutukwa, ngozi yavo inopedza rudzi,” vanodaro mambo ava.

Mambo Seke

Kuchitiwo Mambo Seke, VaStanley Chimanikire, vanoti: “Tambai nezvimwe, ngozi yaamai inopedza mhuri. Kwedu kudare ukauya nenyaya yekurova amai tinokuranga zvakaomarara wozotanda zvako botso rako nekunoripa kwanasekuru vako.”

VaStaford Kachara (65) vekuGokwe vanotiwo munhu anokwanisa kutanda botso arova ambuya kana sekuru vake.

VaStaford Kachara

“Tine mamwe mabotso ekunzi wakarova ambuya amai vababa kana amai vaamai, kana sekuru baba vaamai kana baba vababa.

“Botso guru kurova amai, kunyangwe zvimwe uchigona kuripa pasina kupfeka masaga. Kune vamwe vanorova vanababa vachiti havana ngozi, imhosva zvakare iyoyo, unoripa,” vanodaro VaKachara.

VaMartin Kamupira (74) vekudunhu reMashonaland West vanoti igaroziva patsika dzechivanhu kuti amai havarohwe kana kutukwa.

VaMartin Kamupira

“Mazuva ano tinonzwa kuti vamwe vabata amai chibharo, kuvarova kana kuvatuka, mhuri yose inoparara nekuda kwengozi yaamai. Zvinopera chete kana munhu iyeyo atanda botso nekuripa.

“Ngatikudzei vabereki vedu, hazvina mhosva kana vakatitadzira zvakadii, tinofanirwa kuzvitambira totsvaga vayananisi vehukama hwavo,” vanodaro VaKamupira.

Share This:

Sponsored Links