Kutapurira hiv uchiziva

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Kutapurira hiv uchiziva

Kwayedza

Rutendo Shamaine Magadzire
NYAYA ino yakanangana nekutsanangura mutemo uripo pari zvino maringe nekutapurira utachiona hweHIV uchiziva. Ongororo yakaitwa nesangano reUNAIDS muna2017 inoratidza kuti vanhu 1,3 miriyoni vari kurarama neutachiona hweHIV/AIDS uye chikamu che13,5 percent ndechevanhu vakuru apo 40 000 vavo huri utachiona hutsva huri kunyuka muvanhu.

Pamusoro pezvo, vanhu 30 000 vari kufa nezvirwere zvinodyidzana neutachiona hweHIV uye 74 percent yevanhu vakuru vari pamishonga yemaARV.

Kana takatarisa huwandu uhwu, zvakakosha kuti tinge tichikurukura maringe nemhosva dzekutapurira vamwe utachiona munhu uchiziva zvauri.

Mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act (Chpater 9:23) Section 79 unotarisa nezvekutapurira utachiona uchiziva uye iyi imhosva. Mutemo uyu unotaura zvinotevera:

(1) Munhu wese anoziva:
(a) Anoziva kuti ari kurarama neutachiona hweHIV kana kuti achiziva kuti,
(b) Pane mikana yekuti anogona kunge aine utachiona hweHIV, kana akaita chinhu chese chinoita kuti pave nemikana yekutapurira vamwe HIV anobatwa nemhosva yekutapurira utachiona achiziva, zvisinei nekuti akaroorwa kana kuroora mumwe munhu anotongwa nechirango chemakore 20 ekugara mujeri zvichienda mberi.

Section 15 yemutemo inonyatsotsanangudza mutemo mumwe chete uyu kuti munhu anenge ashaya hanya neupenyu hwemumwe munhu apo anomutapurira utachiona uhwu achiziva. Zvisinei nekuti mhosva iyi inogona kuparwa apo musungwa anenge akatapurira mumhan’ari, inogona kuparwa zvakare pasina umbowo. Kana pakangoonekwa kuti bonde raitwa nenzira inopa mukana wekuti munhu ange achitapurirwa, musungwa anobatwa nemhosva.

Kana pachinge paita mumhan’ari ari kuti akatapurirwa utachiona hweHIV nemusungwa, panodiwawo umbowo hwekuona kuti mumhan’ari akanga asina utachiona hweHIV here panguva iyo anoti akazotapurirwa.

Zvisinei, nyaya zhinji dzebonde rinoitwa nevanhu vakuru dzinonetsa kuwana umbowo hwekuti munhu anenge atapurirwa utachiona hweHIV apo musungwa anogona kuramba kuti anenge asina kupara mhosva yerudzi urwu, zvikuru sei kana zvaitwa kuvanhu vanenge vasisiri mhandara.

Nekune rumwe rutivi, musungwa anenge aita bonde zvinoenderana nekuti akambenge ataura here nezvemamiriro ake kuti pazoonekwa kuti atapurira munhu utachiona. Kana munhu achinge adura kuti ane utachiona, panenge pava kuda kuonekwa kuti pakazopinda vanhu ava pabonde vakange vakabvumirana here.

Kana dare rikaona kuti munhu akanga achiziva nezveutachiona hwake akasvika pakuhutapurira kune mumwe munhu anobva angobatwa nemhosva achipihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 20 zvichikwira.

Zvakakosha kuti vanhu vange vachiziva pavamire uye kuti vatore matanho akakodzera mukudzivirira kutapurirana utachiona uhwu.

Zvakakoshawo kuti unge uchizivawo mamiriro emudikani wako musati mapinda munyaya dzepabonde. Kana ukaona kuti watapurirwa utachiona, mutemo uriko unosunga vapari vemhosva.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Share This:

Sponsored Links