Kutaurirana nemudzimu

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

Tinoenderera mberi nekupedzisa mhinduro yemubvunzo uyu svondo rino.. TSANANGURA pfungwa huru dzinobuda munhetembo dzinotevera dzekupira midzimu; Doro remukwerera, Kuteketera kwavadzimba, Nhaka, Kutuka midzimu, Kusuma midzimu. [25]

Nhaka, p.50 – munobuda pfungwa yokuti zita romufi harirovi nokudaro pane chivanhu chaitoitwa chekugadza nhaka yezita kana pafiwa. Zita romufi rinopiwa kumwana wemushakabvu nezvirango zvakafanira. Munobuda pfungwa yokuti mukadzi aigona kusarudza zvake kungogarira vana vake asingachadi zvokuwanikwazve sepanonzi,

“Haranga yedu igere zvayo zvakanaka,

Yati handina kwandinoenda,

Ndakura – ndinogarira vana vangu.”

Munobudawo pfungwa yokuti midzimu yaitokumbirwa kuti isavhiringidza vana vemushakabvu vainge vasara. Mudetembo iri munodomwa zita remushakabvu Mudzanadzo, uye mwana wake Runesu. Panobuda pfungwa yokuti hama dzomufi dzairemekedza nhaka yomushakabvu kuratidza kusava nemakaro epfuma yake, asi kuti irere vana vake panonzi,

“Pfuma yose kunyange iri mumaoko edu,

Muridzi wayo ndiye.

Isu chedu kuchengeta chete.

Chakakosha kuona kuchengetwa zvakanaka kwevana vakasiyiwa nemushakabvu.”

Kutuka midzimu, p.49 – nyanduri ari kutuka midzimu yake yamukanganwa nokurega mhuri yake ichingogarorwara paanoti, “Mhuri yangu yazonga kugara iri pahukwe.” Munobuda pfungwa yokuti midzimu inogona kukanganwa vana vayo zvekuti munhu anotoibvunza kana pane chaanenge akaitadzira. Kutukirira midzimu itsika yakagara iri muVaShona kana munhu achinge awirwa nedambudziko serekurwarirwa kana rufu. Kutukirira kwaiita sechitsvambe kwairi kuti izive basa rayo sepanonzi, “Mudzimu weipi imba wondirova dzamatumburira?” Pamwe panonzi, “Ndadungana nemi midzimu yangu nokuti ndashaya andinopumha uroyi.” Nekuita uku midzimu yaipomerwa pane zvose zvaiwira mhuri yayo iyo iripo.

Kusuma midzimu, p.49 – idetembo rinotaura nezvemhuri yava kuda kutama nekuda kwemuvengi uyo ari kunzi, “. . . mhunzamusha” aita kuti mhuri ipere kufa panonzi, “Mhuri yapera kumokoteka.” Munobuda pfungwa yokuti pane zvose zvinenge zvarongwa navapenyu vaitanga vaudza midzimu. Yaiva mhosva kungotama midzimu isina kusumwa, uye kupirwa netwudoro. Nyaya huru yaiva pakuzivisa madzitateguru mafambiro ose avaizoita sepanonzi, “Nokunge tasvika tinenge tichikuzivisai mafambiro atinenge taita nemhuri.” Uku kuratidza kukosha kwekusumwa kwemidzimu navapenyu muzvirongwa zvavo. Munobudawo kuwanda kwemadzitateguru ayo aizobatsirana kuchengeta mhuri mukufamba kwayo kuenda kunomisa bango kumwe panonzi, “Muudzanewo mese mese kuti ndozviri kureva macheche.” Munobudawo nyaya yekuzvidukupisa kwevapenyu sekuti, “. . . macheche” kuratidza kuzvininipisa kuti vabatsirwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey