Kutengeswa kwefodya kwadzikira ne4 percent

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Kutengeswa kwefodya kwadzikira ne4 percent Kutengesa fody

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI yeTobbaco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti fodya yatengeswa kumisika yose iri munyika kusvika parizvino makgs 222, 6 miriyoni anokosha $432, 9 miriyoni — kunova kudzikira nechikamu che4 percent — kana zvichienzaniswa nemakgs 231,8 miriyoni akange atengeswa panguva imwechete mwaka wadarika achikosha $676,9 miriyoni.

Fodya iyi yatengeswa kumisika inosanganisira Boka Tobacco Auction Floors (BTF), Tobacco Sales Floor (TSF) nePremier Tobacco Floors.

Fodya iyi iri kutengeswa nemari yepakati nepakati inove $1,94 pakg kana zvichienzaniswa nemwaka wapera apo mutengo wepakati nepakati waive $2,92 panguva imwechete.

TIMB inoti mamiriro ezvinhu aya anotaridza kuti fodya iri kutengeswa kumisika yose ishoma zvikuru kana kuchienzaniswa neyakatengeswa mumwaka wakadarika.

Zvakadai, TIMB inoti iri kukurudzirawo varimi kuti vateme maguni efodya echirimwa chavakakohwa kuitira kudzivirira zvirwere zvinogona kunyuka mune dzimwe mbesa dzavanozorima mumuminda iyi mwaka unotevera.

Kune vamwe varimi vanonzi vane katsika kekuchengeta maguni efodya yavakakohwa vachizoirega ichikura mashizha ayo vanozokohwa zvakare izvo zvisingabvumidzwi sezvo mhando yefodya iyi inenge yakadzikira zvikuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey