‘Kuti usisandide, enda neni kwawakanditora’

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ashley Muchamiri
MUDZIMAI wekunzi nemurume wake akamupa gupuro asi ari kuramba kudzokera kumusha kwake akashamisika zvikuru achiti haana kurambana nemurume uyu uye akatotanga kuzvinzwa mudare kuti haachamuda.

Darlington Mosita akaendesa Mabel Makoni kuHarare Civil Court achikumbira gwaro redziviriro sezvo achiti ari kuramba kudzokera kumusha kwake asi vakarambana makore mana apfura mushure mekumubatikidza aine chikomba mumba.

“Ari kuramba kudzokera kumba kwavo asi tatova nemakore 4 tarambana,” anodaro.

Mosita anoti Makoni anomutuka nemashoko anorwadza pajekerere.

“Anondituka nemashoko anorwadza chose uye zvinenge zvichitonzwikwa nevavakidzani. Anotuka nehama dzangu zvekare,” anodaro.

Makoni anoti haana kurambana naMosita uye atotanga kuzvinzwira mudare.

“Ini nemurume uyu hatina kumborambana, ndiri kutotanga kuzvinzwa muno mudare uyezve murume uyu ndiye anotondishungurudza,” anodaro Makoni.

Makoni anoti kana Mosita asisamude, ngaanomusiya kumusha kune vabereki vake nekuti ane vana vatatu naye.

“Murume uyu kana asisandide ngaanondisiya kumusha kwevabereki vangu nekuti ndine vana vatatu naye,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mosita gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links