Uncategorized

Kuti uve mwene wemudziyo

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Tariro Muzenda

MIDZIYO yakadai sedzimba nemasitendi edzimba inoshandiswa zvikuru sezvinhu zvekuti munhu ange aine budiriro munyaya dzeupfumi.

Nekuda kwezvimhingamipinyi zviri kusangana nenyika mune zveupfumi uye kunetsa kuri kuita kuwana mari yemusvo, vanhu vakawanda vave kuchengetedza upfumi hwavo mumidziyo yakaita sedzimba.

Izvi zviri kuona zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvichitenga masitendi nedzimba muno.

Zvisinei, kuchengetedza upfumi kuburikidza nekutenga dzimba kana masitendi edzimba zvine matambudziko azvowo. Kune mamwe magwaro emanyepo anoratidza kuti ngana mwene wemba kana kuti sitendi (title deeds) azere pamisika inotengeswa midziyo izvo zviri kuita kuti vamwe vanhu varasikirwe nemari yavo.

Nekudaro kana uine hurongwa hwekutenga midziyo yakadai, muchinyorwa chino tichatsanangura ruzivo rwakakosha rwaunofanira kuva narwo.

Chii chinonzi title uye chinopindirana papi nemudziyo?

Title zvinoreva gwaro rinenge rakanyorwa rinopa kodzero kumunhu maringe nemudziyo sekuva mwene wemudziyo, kodzero dzekuushandisa nezvimwe.

Ndeipi mitemo yemuZimbabwe iri pamusoro pekuchengetedzwa kwemidziyo?

MuZimbabwe, mutemo unoona nezvemidziyo ndeweDeeds Registries Act (Chapter 20:05) uyo unotaura nezvekodzero dzemidziyo yakaita semba.

Mutemo weThe Companies Act (Chapter 24:03) unotaurawo pamusoro pekuve mwene wekambani nekutengeswa kwemasheya (shares).

Pamusoro pezvo, bumbiro remutemo wenyika Section 71(2) of the Constitution rinoti munhu wose muZimbabwe ane kodzero yekuve mwene wemidziyo yakasiyana.Ndevapi vakakosha vanoita kuti munhu ave nekodzero yekuve mwene wemudziyo?

Deeds Office:

Ichi chikamu chinowanikwa mubandiko reDepartment of Deeds, Companies and Intellectual Property pasi pebazi rezvemutemo nenyaya dzeParamende. Chikamu ichi chinenge chiine magwaro ane hudzamu maringe nemidziyo nevene vayo uye chine mahofisi maviri munyika ari muHarare neBulawayo.Munhu anenge achida kunyoresa kuve mwene wemudziyo wakadai semba kana sitendi anoenda kumahofisi aya nemagwaro anenge anyorwa nemagweta ake.

Zvimwe zviri pamusoro pemahofisi aya zvinowanikwa padandemutande rinoti: www.dcip.gov.zw.

Estate agents nemagweta:

Vanhu nguva vazhinji vanotenga midziyo vachibatsirwa nemagweta avo kana kuti maestate agents, kana kuti vachibatsirwa nevose.

Kana uchishandisa estate agent, unokwanisa kubvunza kuti yakanyoreswa zviri pamutemo here kusangano reEstate Agents Council of Zimbabwe (EACZ), iro rine mahofisi muHarare neBulawayo zvakare.

Zvimwe chetezvo kana uchishandisa gweta, unokwanisa kubvunzawo kana rakanyoreswa zviri pamutemo kusangano reLaw Society of Zimbabwe.

Matanho ose aya akakosha kuitira kuti usabirwe mari yako pakutenga midziyo.

Kuve mwene wemudziyo kungapihwe kune mumwe munhu sei?

Munhu anokwanisa kupihwa kodzero dzekuve mwene wemudziyo zvichibva kune mumwe nenzira dzakasiyana secession, sectional title kana kuti share transfer.

Cession:

Pasi penzira iyi, kuve mwene wemudziyo kunoitwa mushure mekunge munhu atenga mudziyo wacho wose kubva kune mumwe.

Sectional Title:

Izvi zvinoitwa kana muridzi wemudziyo achida kutengesa chimwe chikamu chemudziyo wake chiri choga kwete mudziyo wacho wose. Muenzaniso ndewemunhu ane dzimba dzemudurikidzwa dzemaflats anenge achida kutengesa mamwe emaflats aya kuvanhu vakasiyana.

Share Transfer:

Kana mwene wemudziyo iri kambani, panoshandiswa nzira yeshare transfer pakupa anenge atenga mudziyo kodzero yekuva mwene.

Pakadai apa panoda kuti munhu anenge achitenga abvunzewo kumahofisi eDeeds Office kana kambani iyi iri iyo muridzi kana kuti mwene wemudziyo wainenge ichitengesa. Mutengi anofanira kutora matanho zvakare ekuziva zvakawanda pamusoro pemasheya aya kubva kumahofisi aRegistrar of Companies.

Chii chinoitika kana ndikatenga mudziyo mushure mekunge ndapihwa matitle deeds emanyepo kana kuti asiri iwo? Pane zvakawanda zvinokwaniswa kuitwa.

Chekutanga, mhan’ara nyaya yako kumapurisa zvinoita kuti munhu anenge akutengesera asungwe pamwe nekuendeswa kumatare edzimhosva nekuda kwenyaya yekuita humbavha.

Unokwanisa zvakare kumusungisa oendeswa kumatare anoona nezvekudzoserwa kwemari kuitira kuti udzoserwe mari yako.

Kana uchinge wakatenga mudziyo uyu kuburikidza neestate agent, unogona zvakare kunyorera kusangano reEACZ kuti upihwe mari yekurasikirwa kwaunenge waitwa maringe nemutemo weSection 39 of the Estate Agents Act (Chapter 27:17).

* Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>