Uncategorized

Kutonga nyika handi njuga

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
Kutonga nyika handi njuga Chamisa

Kwayedza

Ndozvireva namukwende
MWAKA wesarudzo, mwaka unoitika zvese zvese. Tatovemo mumwaka wacho.

Tiri kuzviona nokunzwa zviri kuitika nokutaurwa, nokuti zvinonzi kure kwemeso, nzeve dzinonzwa. Asi zvatiri kuona nokunzwa, chidimbu chidiki-diki pane zvatichanzwa mumasvondo anotevera kusvikira sarudzo dzaitwa.

Kupera kwesvondo, bato riri kutonga reZanu-PF rakaparura “manifesto” yaro kuburikidza neachakwikwidza chigaro chemutungamiri wenyika, vari zvakare munyori mukuru webato, Cde Emmerson Mnangagwa.

Manifesto igwaro rinozazanura zvichada kuitwa neZanu-PF kana ikakunda musarudzo. Nerimwe divi, tingatsanangura manifesto setsamba yokutsvetsva musikana, mukomana achitaura kuti kana wangondida chete, ndinokuitira chakati, chikati; chino nechino – mutorododo.

Vamwe vanoti rume risinganyepi hariroori, saka kana ukaudza musikana kuti kwedu kumba vanhu sadza vanotoita rokutamburira, uyewo sadza racho wariwana, usavi hwacho imbeva nomufushwa, inofa kwako.

Mukore uno wangomudaro musikana anotiza, nokuti anenge achiti handingafambiri nhamo. Handisi kuti bato riri kutonga parakatura manifesto raiti kutamba zvedu, asi kuti zvakaitwa nehumwe hunyanzvi hwatisati taona mune sarudzo dzese dzapfuura.

Mazi ‘‘billboard” anoshambadza kuti vanhu vavhotere bato riri kutonga azara kwese kwese, zvokuti Mukwende akashamiswa nekavhundukiro kakaitwa nemamwe mapato ari kukwikwidza, kusanganisira vamwe vari kuda kukwikwidza vakazvimirira.

Zvanzi negweta Advocate Fadzayi Mahere paTwitter pake: “If @edmnangagwa <https://twitter.com/edmnangagwa> put as much effort into his domestic policy as he does his billboards, maybe this nation would prosper . . .”

Mumwewo akamupindura achiti mhiripiri inovava aitsenga: “Zvazvimbiraka? Havangadzori tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso, uyewo, china manenji hachifambisi. Tsoka dzakanokorwa kudhara. Pindai mudariro munyerere. Mazvokuda amakaita asikana anenge mavanga enyora.”

Vamwewo ndivo vanotanga kunyomba manifesto yeZanu-PF vachiti haina chainacho. Zvinoshamisa ndezvokuti kana yeZanu-PF isina chimuko, ndevapi vati vavarura manifesto yavo kuti tikwanise kuti ava vari kutaura zvine musoro pane ava? Hapana!

Zvimwe chete nezviri kuitwa nemutungamiri werimwe bandika reMDC-T, Advocate (Pastor) Nelson Chamisa. Regai muimbi Jah Prayzah akazoimba kuti “kudhakwa foshoro.” Kura uone vakuru vakataura.

Madzimai munochemera kodzero, hezvo mave kuiswa pamusika naChamisa. Vakamboverenga bhuku rinonzi “Mayor of Casterbridge” rakanyorwa naThomas Hardy vanoziva murume akabhejesa mudzimai wake paaitamba makasa. Vana Advocate Mahere ndozvavanosungirwa kuvhurira maziso izvozvo!

Takanzwa zvichitaurwa naChamisa, achibhejera President Mnangagwa ari mhiri kwamakungwa kwaari kuti: “If Mnangagwa wins five percent in free election, I will give him my sister. I have a sister who just turned 18 and looking for a husband. I am betting on this because I know it won’t happen.”

Zvambouya seiko nhai mufundisi? Mapindwa negonye rakaipa kudai rokuda kutengesa kana kuroodza hanzvadzi panguva iri kukurudzirwa kuti kodzero dzevanhukadzi dzisimudzirwe?

Ko inga mubato reMDC-T muzere madzimai? Anoshaya kukuudzaiwo here kuti pamasvika apa hapanei nokutonga nyika, asi kuti kuzvidza nokutarisira pasi vanhukadzi, zvisinei kuti mwana wamai venyu wamuri kubhejesa, kunge muri kutamba makasa.

Tinonzwawo kuti akambodaro zvakare kuna President Mnangagwa pavakange vachikwikwidza chigaro chedare reParamende cheChirumanzi-Zibagwe mugore ra2013. Zvanzi Chamisa akati Cde Mnangagwa vakakunda musarudzo, anovapa mukadzi wake! Tatya nazvo!

Tiri pamadzimai pakare, svondo rino zvakare, Chamisa ariko kuEngland anonzi akati kana apinda pachigaro zvokubvisa roora hapachisina: “Ndakataura kuti kana ari mukadzi uchida kuroora, roora mahara. Roora rinoremaka!”

Patinozosvika kumberi uko tichahwandisa zviso pasi nokunyara, nokuti panze pokuti vanhu vataure kuti “mabullet trains”, nhandare dzendege kana ma“spaghetti roads” vanozvigona sei, vanoramba vachingotaura pfocho. Kuya kwandati kudhakwa foshoro chaiko. Kuwukura sabhoki!

Kumakata chaiko!

Share This:

Sponsored Links