Kutora zvinodhaka, Covid nevechidiki

14 Oct, 2021 - 16:10 0 Views
Kutora zvinodhaka,  Covid nevechidiki VaChristopher Gohori

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NECHINANGWA chekuda kuderedza nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka pamwe nekurwisa chirwere cheCovid-19 munzvimbo dzemuguta reHarare sekuMbare, sangano reCommunity Water Alliance (CWA) rakatanga chirongwa chekupa chenjedzo kune vechidiki pamusoro penyaya mbiri idzi.

Vachitaura pachirongwa ichi nemusi weChitatu kuMbare, VaChristopher Gohori, avo vanova murongi kuCWA, vanoti vari kupa chenjedzo kuburikidza nemitambo yakaita senetball kuitira kuti vanhu vawaniswe dzidziso yenyaya idzi asi vachivaraidzwa zvekare.

“Tapinda munzvimbo yeMbare tiine nyaya nhatu dzinoti kurwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki kunyanya, kuraswa kwemarara panzvimbo dzisina kukodzera uye yeuchidzo nesimbaradzo yekurwisa Covid-19. Nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka dziri kuramba dzichiwanda izvo zvava kuita kuti vamwe vapedzisire vava kurasika njere, kupara mhosva, kuba kana kubata chibharo.

“Tinoti nyaya idzi dzakashata uye dzinofanira kuregedzwa, zvekare vatengesi vezvinodhaka vanofanira kusungwa kubvira kumiganhu yenyika kwavanobva nako vachizvipinza muno zvisiri pamutemo,” vanodaro.

VaGohori vanoti chirwere cheCovid-19 chichiriko, nokudaro veruzhinji vanofanira kuramba vachitevedza matanho akatarwa neHurumende pamwe chete nesangano reWorld Health Organisation (WHO) sekusaungana, kugara vakapfeka mamasiki pose pavanenge vari paruzhinji, kugeza maoko nguva nenguva nesipo uye nemvura inochururuka, kubaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 kuti chirwere ichi chiderere.

“Pamusoro pekudzivira Covid-19, tinokurudzira nyaya dzehutsanana munharaunda dzatinogara uyewo nesu panyama dzedu kuti tigeze nemazvo. Imhosva huru vanhu kurasira marara pose-pose uye zvinounza zvirwere zvinosanganisira zvemanyoka nemalaria nekuti hutunga hunofarirawo kuberekera pane marara nehunyoro,” vanodaro.

VaDonald Talent Muleya, vanova community development assistant kusangano reUNDP, vanoti vane mabhindauko akawanda avari kuitira vagari vemuMbare, kunyanya vechidiki, panguva ino yekurwisa Covid-19 kuti vasiyane nekutora zvinodhaka.

“Tinobatsirawo vechidiki kuti vatange mabhindauko nedonzvo rekuti vasangogara uye tinovapawo mashoko edzidziso maringe nechirwere cheCovid-19 uyewo kuipa kwekutora zvinodhaka,” vanodaro.

Lena Pauros anova mumwe wevechidiki ari kubatsirika kuburikidza nezvirongwa izvi anoti nyaya dzekutora zvinodhaka dzinoparadza hunhu hwevechidiki pamwe nekukanganisa pfungwa dzavo.

Share This:

Sponsored Links