Kutsvaga nzvimbo dzeForm 1 kwatanga

01 Nov, 2022 - 15:11 0 Views
Kutsvaga nzvimbo dzeForm 1 kwatanga Mai Tumisang Thabela

Kwayedza

Debra Matabvu

KUTSVAGA nzvimbo dzechikoro dzeForm 1 dzegore rinotevera padandemutande kukatanga nemusi weChipiri svondo rino apo chirongwa cheElectronic Ministry Application Platform chiri kushandiswa. Vanotsvaga nzvimbo vachakwanisa kuzviita kuzvikoro zvishanu panguva imwe chete.

Chirongwa chepadandemutande ichi chichashanda kusvika musi wa30 Mbudzi.

Vanenge vabudirira vanozoziviswa nekutumirwa tsamba panhare dzavo kubva kuvakuru vezvikoro apo pachaburitswa zvakanyorwa mubvunzo dzeGrade 7 dza2022. Chirongwa ichi chakavambwa mugore ra2017 nechinangwa chekupedza huwori hwaiitika pakutsvaga nzvimbo dzeForm 1 kune zvimwe zvikoro.

Muchinyorwa chakatumirwa kuvakuru vezvedzidzo kumatunhu ose enyika pamwe nevakuru vezvikoro, munyori mukuru mubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Tumisang Thabela, vanoti pane nzvimbo shoma kuzvikoro zvebhodhingi.

Vanokurudzira vabereki kuti vagamuchire nzvimbo dzinenge dzapihwa vana vavo.
“Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari richaita chirongwa chekutsvaga nzvimbo dzeForm 1 dzebhodhingi dza2023,” vanodaro Mai Thabela.

“Vabereki kana vanochengeta vana vanoda kuvaendesa kuzvikoro zvebhodhingi vanokurudzirwa kuti vatange kutsvaga padandemutande (www.emap.co.zw) kutanga nemusi wa1 Mbudzi kusvika 30 Mbudzi 2022.

“Vanotsvaga nzvimbo vanobvumidzwa kunyorera kuzvikoro zvishanu panguva imwe chete.
“Mudzidzi anotsvaga nzvimbo kana aiwana pane chimwe chikoro haazokwanise kupihwa imwe kunze kwekunge aramba yaanenge awaniswa,” vanodaro.

Pane nzvimbo 24 246 dzeForm 1 muzvikoro zvebhodhingi kana zvichienzaniswa nevadzidzi vanodarika 367 000 vari kuda nzvimbo idzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>